Kugadzirira Harare show

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Kugadzirira Harare show

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
HARARE Agricultural Show ndizvo zviratidzirwa zvekurima zvepamusoro-soro (national). Iyi shoo haingonyuke chero, inototangira pasi ichikwira kusvika yava national.

Kuti murimi akwanise kupinda mushoo iyi, anotanga ashanyira murimisi wake. Murimisi achakuudzai kuti bhuku reshoo rakamira sei maererano nezvinenge zvichitarisirwa kuti munge muchizoratidzira.

Bhuku iri rinoenda richiwanda huwandu hwezvinhu zvekuratidzira asi mipanda yakafanana.

Mazivisana mipanda mochisarudza zvamunoda kuendesa kushoo. Apa ndipo pane nyaya yose yekuti moziva mazuva ekuibva kuitira kuti pamunodyara zvirimwa zvinofanira kuibva munguwa yekuenda kushoo kuitira kuti munoratidzira zvirimwa zvakasvika.

Shoo inobatsira kuti murimi azvisimudzire mumabasa ake. Izvi zvinobatsirazve kuti munozvisimudzira mukuita basa repapurazi kana pamusha nokuti munenge muchiitira kupinda mumakwikwi eshoo.

Asi nekune rimwe divi munenge muchitowedzera gohwo nehunaku hwezvamunorima pamusha kana papurazi.

Shoo inobatsira kuti munodzidza kuita twunhu twakawanda-wanda twunoita kuti mari irambe ichipinda muhomwe.

Munoona zvakare kuti kugona kwamunenge muchiita hakupereri pamusha, vavakidzani venyu vanenge vachiona pamwe nekutevedzera, vobva vagonawo. Munoona here kuti munenge matoita basa guru rekugadzirisa nyaya yechikafu munyika (food security).

Kana murimi azvipira kupinda mumakwikwi eshoo, haafaniri kupinda aine pfungwa dzekugumira paward shoo asi kuti anofanira kuzvipira kuenderera nayo kusvika kumagumo, kunova kunational. Izvi zvakanakira kuti munokwanisa kuronga zvamunoda kudyara nenguva yekudyara kuitira kuti zvinge zvaibva nguva yeshoo.

Zvinokosha zvikuru kuti munge muchiziva mazuva emamwe mashoo amuchapinda. Murimi anofanira kuratidza huhurudza hwake nekuendesa zvirimwa zvaakarima nemawoko ake. Tinoona vamwe vachiratidzira zvirimwa zvekutenga, izvi hatizvikurudzire nokuti zvinodzikisira shoo pasi.

Zvatinozopedzisira toita kuenda kumusha kana kupurazi kunozadzikisa meso kuti ichokwadi here kuti munenge makazvirima pamusha kana papurazi penyu.

Musati maenda kushoo, chinhu chakanaka kuti motsvage zvirimwa zvakafanana nezvamucharatidzira kushoo motamba nezvirimwa muchironga kunge muri kushow muchigadzirira (practise).

Izvi zvinokupai nguva yekugadzirisa mamunenge muchitadza uyezve munozokwanisa kuronga zvirimwa munguva inenge yakatarwa.

Verengai kabhuku kemibairo (prize list) munatse kurinzwisisa kuitira kuti muendese zvinhu zvinenge zvakatarisirwa. Pamusinganzwisise zvinokurudzirwa kuti muridze nhare kana kuvashanyira kuti munatse kunzwisisa nguva ichiripo.

Pamunotanga kudyara zvamunoda kuendesa kushoo, ndiyo nguva yamunofanira kunyora zvinhu zvose zvamunofanira kuenda nazvo kushoo (check list). Kumberi kwezvamanyora isai zuva ramunofanira kunge magadzirisa zvinhu zvacho. Zvamagadzirisa mobva mamaka (tick) kuti zvapera.

Munofanira kupedza kurongedza zvinhu kuchiine mazuva matatu ekusumuka. Izvi zvinobatsira kuti musazokanganwa zvimwe zvezvinhu zvamunofanira kuenda nazvo.

Mava kushoo, pane zvimwe zvamunoona munokurudzirwa kuti munge muine kabhuku kamunopota muchinyora zvamunge muchiona vamwe vachiita nezvamunotadza kuitira shoo inenge ichitevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>