Kugadzirira mwaka neSeed Co

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Kugadzirira mwaka neSeed Co

Kwayedza

Simba Gotosa
TAONA zvakakodzera kuti sekambani yenyu hombe pakuuchika mbeu, titange kufamba tose rwendo rwemujecha mukuronga zvatichaita mwaka wekurima uno wa2017-18. Tose tinoziva kuti muno muZimbabwe kurima ndiwo musimboti weupfumi hwedu. Naizvozvo, zvava kutoda kurongeka kwakanyanya kuvarimi.

VeMeteorological Services, avo vanoona nezvemamiriro ekunze, vari kutarisira kuti Zhizha richange riine mvura yakaringana saka pari kudiwa gadziriro dzakasimba tikohwe pakuru gore rinotevera.

Svondo rino tinoda kutarisa nezvegadziriro yeZhizha rava kutotanga. Kubudirira kwemurimi kunobva mukurongeka kwake mwaka usati watanga. Nguva ino ndiyo yakanaka kugadzirira zveZhizha.

Chirimwa chipi chandingarima mwaka uno?
Uyu mubvunzo wakakosha zvikuru uyo ungapindurika nepakasiyana-siyana. Tinorima kuti tiwane chikafu chedu chekudya, chekupa zvipfuyo kana chekutengesa. Kana torima chikafu chokudya, tava kutarisana nezvirimwa zvakaita sechibage, mapfunde, soyabhinzi, nzungu, nyemba, bhinzi, miriwo nezvimwe zvakawanda.

Kana wafunga kurima muZhizha, chibva waziva mhando yembeu yekurima inoenderana nenzvimbo yaunorimira. Chitotanga kuronga iko zvino!

Kuziva mhando yembesa yaunoda kurima ndihwo hwaro hwekutanga kurongera Zhizha zvozotipa kuti tizive magadziriro evhu, mbeu, mishonga nemafetireza zvekutenga nezvimwe zvakawanda uye zvakakosha.

Ndogadzira munda wangu sei?
Varimi tinofanirwa kugadzira minda yedu mvura isati yatanga kunaya kuiitira kuti tidyare nemvura yekutanga. Izvi zvakanakira kuchengetedza hunyoro uye mashanga nehuswa zviorere zvoita mufudze zvirimwa zvedu zvokura zvakanaka.

Tarisiro ndeyekuti pari zvino tava kutotanga kugadzirira minda kuti tidyare zvirimwa zveZhizha zvinosanganisira chibage, soya bean, nyemba, mapfunde, sugar beans nezvimwewo.

Kugadzirira minda kunosanganisira kunyudza magejo kana maripper kusvika pahudzamu hunoita mita chaiyo. Kurima kwakadzika kunobatsira kuti midzi yezvirimwa idzike pasi zvakanaka ichitora mvura namafetireza zvozokonzera kuti goho rikure. Tapedza kupinza gejo kana ripper toteera nedisc tichiputsa mavhinga tozouya neroller yekururudza ivhu mumunda.

Mombe negejo zvinokwanisa kutibatira basa iri zvakanaka kune varimi vasina matarakita.

Kunewo nzira yava kukurudzidzirwa, yeConservation Tillage kana kuti zero/minimum tillage. Neiyi nzira tiri kuchengetedza mashanga anosara patinokohwa anozoshanda kuita semupfudze, kuchengetedza hunyoro uye kubata mhodzi dzemasora kuti asamere. Nenzira iyi hatibvumidzwe kupisa mashanga anosara patinokohwa!

Kuongororesa ivhu nekushandiswa kweLime:
Tangai kutora masample eivhu remumunda wenyu kuti riongororwe kuvava kana kutapira (pH) kwaro uyezve huwandu hwechikafu hurimo nehunodiwa zvichienderana nechirimwa chatinoda kurima. Kuongororesa ivhu kunoitwa pachena kune vemakambani anotengesa mafotereza uye neveResearch and Specialist Services, Soil Chemistry Department. ICHI CHIDANHO CHAKAKOSHA PAGADZIRIRO DZEZHIZHA.

Tsvagai ruzivo maringe nekutora masamples kubva kune veAgritex kana kubata varimisi veSeed Co vanowanikwa mumatunhu enyu.

Kana taziva kuvava kana kutapira kwevhu redu (pH), tava kuziva zvakare huwandu hweLime inoda kuiswa kugadzirisa kuvava kwevhu. Zvirimwa zvakasiyana zvinoda kuvava kwevhu kwakasiyanawo. Chibage chinoda pH 5.2-5.8, soya beans 5.5-6, sugar beans 5.5-6, mapfunde anodawo 5.2- .8. Muchidimbu zvirimwa zvizhinji zvemuZhizha zvinoda pH inobva pa5 kusvika pa6.

Zvichienderana nemamiriro akaita ivhu rako, huwandu hweLime hwatingashandisa kusimudza ivhu redu nechikamu che0.1 pH tinoda 100kg muvhu rejecha uye 200kg muvhu rakakora. Semuenzaniso, kana ivhu remujecha riri pa5.0 richifanira kusvika pa5.1, zvinoreva kuti tinofanira kuisa 100kg yeLime. Lime inoda kumwaiwa nenguva kuti ikwanise kushanda gore iroro.

Ko iyo pH yakakosherei muvhu?
Kana pH yakadzika inokanganisa kutorwa kwechikafu nezvirimwa zvedu kuibva muvhu, zvoderedza goho remurimi kunyange mafotereza aiswa. Pane twumbuyu twakakosha muvhu twunobatsiridza kubika mafotireza (nitrification). Twumbuyu utwu hatwushandi zvakanaka kana pH yakadzika pasi pe5. Ivhu rine pH yakadzika (rinovava) rinenge rakaomarara zvotadzisa kumera kwakanaka kwembesa zvichizoderedza goho remurimi.

Saka Lime inoshandei muvhu?
Lime inosimudza pH yevhu kusvika pamwero unodiwa nechirimwa chatiri kuda kurima. Inoshanda zvakare kuvandudza kudya kunodiwa nehuwandu hwakaderera (micronutrients) zvinosanganisira Magnesium kana Calcium. Rimwe basa rakakosha reLime kuvandudza kushanda kwemafetireza nemishonga yatinoisa muvhu.

Ndedzipi mhando dzeLime dziriko?
MuZimbabwe tine mhando mbiri dzeLime dzinoshanda kugadzirisa kuvava kwevhu. Kune Dolomitic uye Calcitic Lime. Saka zvakakosha kuziva mhando yeLime yaunoda kushandisa kubva mune zvabuda muongororo yevhu.

Ko iyo Lime inoiswa sei uye nguva ipi?
Lime inoiswa chero nguva tisati tadyara chirimwa asi zvakakosha kuti iiswe nguva dzino patiri kugadzirira minda nekuti inoda nguva inoita mwedzi mitatu kusvika pamwedzi mitanhatu kuti inyatsoshanda kugadzira ivhu redu.

Lime haiiswe gore negore asi inoiswa kana taongororesa ivhu redu zvichiratidza kuti iri kudiwa pane zvinenge zvabuda muongororo. Tinokurudzira varimi kuti muongororese ivhu renyu kamwe chete kwapera makore matatu kana mana.

Kune vari muvhu reshapa, ongororesai kwapera makore matatu, kozotiwo vari muvhu rakasimba (dhaka) ongororesai kwapera makore mana.

Lime tinoimwaya nemichina kana kuti nemaoko uye inoda kutimbirwa pasi panosvikirwa nemidzi kuti ishande zvakanaka. Saka tinokurudzira varimi kuti kana taisa Lime topinda nemadisc kana mombe nemagejo kutimbira Lime pasi.

Musvondo rinotevera tichabata nyaya yembeu dzatingarima kunzvimbo dzakasiyana nezvimwe zvekugadzirira mwaka. Sekambani ine murimi pamoyo, tinokushuvirai mwaka unotevera wakanaka.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

  • Simba Gotosa murimisi mukuru kuSeed Co uye anobata nzvimbo dzinoti Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland neMasvingo. Munomubata pa: 0779830450-0732830450 kana email: [email protected].

Share This:

Sponsored Links