‘Kurima nyimo kune pundutso’

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
‘Kurima nyimo kune pundutso’

Kwayedza

MURIMI wenyimo wekudunhu reMhondoro okurudzira pamwe nekudzidzisa vamwe kurima chirimwa ichi nedonzvo rekuti vawane pundutso mumabasa avo.

VaRodney Nyamushamba (41) vemumusha waSabhuku Nyamushamba kwaMambo Nyamweda vanoti kuburikidza neruzivo rwavo rwakadzika munyaya dzezvekurima vakatanga chirongwa chekurima nyimo chinova chabudirira zvikuru.

Vanoti vakaona zvakakodzera kuti vapewo vamwe varimi vemudunhu ravo ruzivo urwu.

“Nyimo hadzinetse kurima nekuti hauna chaunoda kunze kwembeu yako chete. Hapana fetereza inodiwa kunze kwekutsvaga vanhu vaunobatsirana navo kudyara, kuzosakura nekukohwa. Chirimwa chandisimudza zvikuru zvisinei kuti vamwe vanochitarisira pasi,” vanodaro.

Murume uyu ava nemakore matanhatu achirima nyimo zvaanoti zvasandura upenyu hwake. “Upenyu hwangu hwapfumbira mufunge nekuda kwenyimo. Izvozvi ndakarima mahekita maviri uye ndinotarisira kukohwa matani matanhatu kusvika kugumi. Ndikatarisa mari yandakaisa mumuda uyu zvinotaridza kuti nyimo dzinobhadhara zvikuru,” vanodaro.

Nyimo idzi vanoti vanodzitengesa kuvanhu vemunharaunda nekuendesawo kuMbare, muguta reHarare, kumakambani akasiyana nekune vezvitoro.

“Panguva yoga-yoga yekurima ndinenge ndiine vashandi vanodarika makumi matatu kureva kuti basa renyimo iri rava kubatsira ruzhinji muno. Ndine zvitoro zvikuru uko ndinodziendesa ndichipihwa mari ipapo,” vanodaro.

VaNyamushamba vakakurudzira vamwe varimi kupindawo munyaya dzekurima nyimo vachiti dzinovapa pundutso pamwe chete nekuwana chekudya nemhuri.

“Zvirimwa zvidiki zvinobatsira zvikuru mukupedza nzara zvinosanganisira idzo nyimo, maringazuva, nzungu nenyemba,” vanodaro.

Mumwe mugari wemumusha uyu, VaKillian Nyamushamba (58), vakarumbidza zvikuru basa riri kuitwa nemurimi uyu.

“Dai tikawana varimi vakadai vakawanda dunhu redu reMhondoro rinosimukira. Honai izvozvi muchinda uyu ane vashandi vanodarika makumi matatu kureva kuti dzimwe mhuri dzave kurarama,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links