Kurima sugar beans

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Kurima sugar beans

Kwayedza

Philip Matombo—

TINOKUKWAZISAI varimi nomufaro mwaka wegore rino uchidai kunakidza sezvo mvura iri kunaya zvirimwa zvichisekerera. Apa ndipo panotora murimi mukana wekuita mari nesugar beans pamusoro pezvirimwa zvatakarima izvo zviri kukura zvakanaka.

Sugar beans chirimwa chinopa pundutso kuvarimi vakawanda kunyanya ukachirima nemazvo uye nenguva inova ino yatiri. Pamusoro pekutipa mari, chirimwa ichi chinotipa kudya kwemaproteins sezvo dzimwe nguva tisingakwanise kutenga nyama uye sugar beans dzinosiya kudya kwenitrogen muvhu uko kunososhanda sefetireza ye”top” nechirimwa chinotevera.

Kurima sugar beans kwakanakira kuti dzinokurumidza kuibva dzotipa mari nokukurumidza. Kune vanorima fodya yemadiridziro, vachingopedza kukohwa  fodya vanokwanisa kudyara sugar beans vozvambura zvavo mari.

Sugar beans hadzinetse pakudzitengesa  kumisika, sezvo makambani akasiyana-siyana nekuzvikoro zvemaboarding dzichidiwa nemari inowanzotangira pa$1 200 kusvika ku$1 600 patani.

Mutengo yakati kwirei inowanzowanikwa mwaka wati fambei, kunyanya munaNyamavhuvhu kusvika muna Zvita, ndipo panoimbwa nemurimi kuti . . . huya uone kutapira kwoita kurima nembeu dzeSeed Co.

Zvinoderedza goho:

Kushandisa mbeu dzisina kuuchikwa zvinoderedza goho sezvo kazhinji dzinenge dzisingatiriri kuzvirwere saka tinokukurudzirai kuti mutenge mbeu dzakauchikwa kubva kuna sahwira wenyu weSeed Co.

Kusadzipa kudya kwakakwana kwemafetireza nekusafirita kudzivirira nekurapa zvirwere nekuuraya zvipembenene, kunonoka kudyara mvura yoenda dzisati dzaibva, kusiya minda iine sora richidya fetireza yatatenga ichidhura uye kusava nemadzinde anotarisirwa pahekita zvinokanganisa goho.

Tikagadzirisa izvi tinotarisira kuti tichava nemukoho wakanaka torimira nyika igoguta tirege kutenga sugar beans kunze kwenyika torasikirwa nemari

Mhando dzembeu (varieties):

Chekutanga sarudzai mbeu yakauchikwa inopa goho guru uye inotivirira kuzvirwere. KuSeed Co tine mbeu mbiri dzakanaka samare zvekuti mukadzirima hamuzodi kudzirega.

Mbeu yekutanga yatakakuuchikarai inonzi  SC Bounty, inopa goho rinodarika 2t pahekita imwe ndokunge ukairima nemazvo uye nenguva. Inotora mazuwa 85-115 kuti ikohweke zvichisiyana nekwawairimira uye inotivirira kuzvirwere zvakawanda zvinobata sugar beans.

SC Bounty inonaka ikabikwa semuriwo uye pakudya kwemangwanani nechingwa. SC Bounty yakanakirazve kuti inokurumidza kuibva pakubika.

SC Sharp imbeu ichangoburwa zvekuti pamusika yava kutowanika izvozvi, ine goho guru rinosvika pa2t pahekita nekudarika. Mbeu iyi inoti kurumidzei kuibva sezvo ichitora mazuva 80-100 kuti mutange kuikohwa uye inotivirira kuzvirwere zvakawanda zvinobata sugar beans, inorimika muivhu gobvu (red soils) kana mushapa (sand soils).

Mbeu mbiri idzi dziri kutengeswa  nemutengo wakanaka unoita iwo $60 pa25kgs.

Kurima minda:

Mbeu yesugar beans inoda kurimwa pakadzika 25-30cm kuitira kuti midzi yembeu ikure zvakanaka, ichikwanisa kutora  chikafu nehunyoro. Kana pasi pakaoma, tinogona kutanga tapadiridza kuti gejo ridzike uye mavhingwa aite mashoma. Vanoshandisa mombe pakurima tinogona kupwanya mavhinga nekahara kaya kanodhonzwa nemombe kuitira kuti sugar beans dzedu dzimere zvakanaka.

Kudyara:

Tinotarisira kuti izvozvi kusvika pakati paKukadzi varimi chipatapata kutenga mbeu yenyu yeSeed Co muchibva madyara kuitira kana tichishandisa mvura yemudenga. Pakudyara tinogona kushandisa maplanter, kuisa mitsara nemombe, vanhu vachishandisa tambo.

Mitsara inofanira kudzika 4-5cm uye kubva pamutsara kusvika pane mumwe 45cm-60cm (row spacing), kubva pashanga kusvika pane rimwe shanga mumutsara 10cm (inrow spacing).

Tinotarisira kuwana madzinde 220 000 pahekita imwe ichida 80-100kgs dzembeu. Ngatiisei fetireza mumutsara tichitarisira kuisa 150-200kgs pahekita imwe asi tinokukurudzirai kuti titange taongororesa ivhu redu kunaana mazvikokota, ngatifushirei fetireza kuti isabatane nembeu sezvo ichipisa mbeu kana zvikabatana.

Pane mushonga unonzi Apron Star wamunosanganisa nawo mbeu isati yadyarwa kuitira kudzivirira mbeu kuzvirwere nezvipukanana kwemavhiki maviri kusvika kumavhiki matatu mbeu yamera, tozodyara mbeu yedu tofushira netuvhu tune udzamu husingadariki 3cm tapedza todiridza hedu nekuisa mushonga wesora unoiswa mbeu nesora zvisati zvamera. Uyu mushonga unoti rerukei kudarika patinozoisa mushonga wesora sugar beans dzamera.

 Kutengesa sugar beans (Marketing):

Tinokukurudzirai varimi kuti musati madyara tangai kutsvaga kwekuzotengesera musazotambura asi sugar beans hadziori uye hadziwanzonetsa kutengesa sezvo dzichidiwa kuzvikoro, kuzvipatara, kumakambani akawanda nekumisika yakaita sekuMbare Musika. Tinotarisira mari inoita $1 200 kana kudarika patani imwe zvichirewa kuti pahekita imwe unogona kuwana $2 600 washandisa $600-$800/ha zvichireva izvo kuti unogona kuisa $1 800 muhomwe seprofit pahekita imwe chete.  Apa vana vangatadze kuenda kuchikoro here?

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

Share This:

Sponsored Links