Kutengeswa kwevanhu: Dambudziko ranhasi

13 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MASANGANO enhau ange achiburitsa nhau dziri pamusoro pekutengeswa kwevanhu vachishandiswa mumabasa ehunhapwa mwedzi yadarika.

Iyi inyaya yekuti senyika tanga tisingaitaure pachena asi tinofanira kutaura nezvawo sezvo yakaipa zvikuru uye iri kukanganisawo zvizvarwa zvemuno.

Zvinobatsira kutsanangudza kuti kutengeswa kwevanhu uku kunomborevei.

Iyi inzira inotsanangurwa sekubatwa kwevanhu hunhapwa kwemazuva ano apo vamwe vanhu vanowana mari kuburikidza nekusveta simba revamwe.

Vanotengesa vanhu ava vanoshandisa chisimba, kutyityidzira, chimbadzo nedzimwe nzira dzisingaite.

Zimbabwe inoonekwa senyika inobva vamwe vanhu vari kutengeswa ava pamwe nekuve nzira inoshandiswa nevanotengesa vanhurume, vanhukadzi nevana kuti vange vachiitiswa mabasa ekushandiswa senhapwa pamwe nekushungurudzwa panyaya dzebonde.

Zvakakosha kuziva kuti kutengeswa kwevanhu uku kunogona kuitika munyika sekuti mwanasikana anotorwa kumaruwa oendwa naye kuguta mushure mekunge avimbiswa hupenyu hwakanaka.

Asi musikana uyu paanosvika muguta anobva amanikidzirwa kuita mabasa echipfambi. Uku kutengeswa kwemunhu.

Zvinogona kuitika zvakare kuti vasikana, vakadzi nevakomana vanogona kutengeswa kune dzimwe nyika mushure mekunge vavimbiswa kuti vari kuenda kunoshanda apo vanozoona vave kumbunyikidzwa pabonde pamwe nekushandiswa senhapwa.

Kutengeswa kwevanhu inyaya huru iyo inogona kukonzerwa nezvakaita sekuti magariro emunharaunda, nyaya dzehupfumi, zvitendero nezvimwe zvakadaro.

Kutengeswa kwevanhu kazhinji chiratidzo chehurombo nekushaikwa kwemabasa izvo zvinoita kuti vanhu vakawanda vabve munzvimbo dzavanogara vachitsvaga hupenyu huri nani.

Vanhu vanotengeswa vanotorwa senhapwa sezvo vanenge vasina kodzero dzinotarisirwa kuve nevanhu.

Vanotengeswa ava vanogona kunge vari chero vezera ripi uye hazvinei kuti vanhurume kana vanhukadzi.

Zvisinei, vari kutengeswa vakawanda vari kuonekwa vari madzimai nevanasikana mushure mekunge vavimbiswa kuti vanowaniswa mabasa.

Vanhu vose vanotengeswa havana kusununguka uye ndosaka izvi zvichifananidzwa nekubata munhu hunhapwa.

Izvi zvinoitwa nenzira yekuti vanhu havangazvibvumi uye muchivande zvisingaonekwe neveruzhinji.

Ndosaka zvakakosha kuti pave nechenjedzo pamusoro penyaya iyi nekudaro chinyorwa chino chakananga kuzivisa veruzhinji kuti kutengeswa kwevanhu kuriko saka tinofanira kuisa misoro pamwe chete kudzivirira dambudziko iri.

Ndiani anotenga vanhu vanotengeswa uye sei?

Vanhu vanonyanya kutenga vanhu vanosanganisira vaya vanoshanya kunyika dzakasiyana vanoda vekupinda navo panyaya dzebonde, vanoita mari nekushandisa mifananidzo yevanhu vasina kupfeka, varidzi venzvimbo dzinoitwa zvepabonde nevanoda vanhu vekushandisa vasingavabhadhare mari.

Yambiro ndeyekuti kana chinhu chichitaridza kunge chakanaka zvikuru, tora nguva uchinyatsoongorora usati wafunga kuti wopinda machiri here.

Kutengeswa kwevanhu kunokanganisa munhu kwehupenyu hwose nekudaro zvakakosha kuti kunge kuchidzivirirwa kuti kusaitike.

Saka mutemo muZimbabwe unoti kudini pamusoro penyaya iyi? Mutemo weTrafficking in Persons Act Chapter 10:20 uyo wakakumikidzwa mugore ra2014 unorambidza kutengeswa kwevanhu nekuvachengetedza pamwe nekumiswa mumatare edzimhosva kweavo vanenge vabatwa nemhosva yakadai.

Zvakakosha kuti titsigire vanhu vanenge vakasangana nedambudziko rekutengeswa pane kuvashoropodza kuti vakazviisa mumatambudziko.

Mutemo unotaridza pachena kuti vose vanobatwa nemhosva yekubatsira mukutengeswa kwevanhu vanotemerwa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi zvichikwira.

Izvi zvinotaridza kuti kutengeswa kwevanhu kunotorwa sechinhu chakaipisisa mumagariro evanhu.

Chinyorwa chino chakabva kuna: Tariro Tandi, Transformative Justice Manager.

Munokwanisa kutumira zvamunofunga nekubvunza mibvunzo padande-mutande rinoti @[email protected] kana paWhatsApp nhamba inoti 0777 828 201.

Tarisirai chimwe chinyorwa zvakare chechikamu chino svondo rinouya mubepanhau reKwayedza.

Kana muchida kubatsirwa nguva dzose panyaya dzakaita semhirizhonga yemudzimba kana kutengeswa kwevanhu, ridzai nhare panhamba yedu yetoll free inoti 08080131, kana pamahotlines anoti 0776 736 873 ne0782 900 900.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>