Mabasa ekuita nguva ino

04 Feb, 2016 - 23:02 0 Views
Mabasa ekuita nguva ino Rukonye rwunogona kuparadza chibage kubva kumashizha, dzinge kusvika kumuguri.

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
MBIRI kuna Jesu, dzimwe nzvimbo dzakawana mvura asi dzimwe dzichakaoma!

Ino inguva iyo varimi vari kupedza nguva vachitarisa mudenga kuti mvura iri kunaya rinhi, vachikanganwa kuita mamwe emabasa emumunda. Hongu, dzimwe nzvimbo dzine mvura asi dzimwe hadzina zvachose asi hazvireve kuti tinobva tapira makotsi minda.

Ngatimboti mvura ichazonaya yoita saizvozvo zvirimwa zvafa, musakanganwe kuti kune zvipfuyo zvinoda mvura yekunwa nesora rekufura. Mvura iyi inogona kuzotibatsira kuti tizogadzirira mwaka uri kutevera pasi pari panyoro.

Inotibatsira zvakare kuti tidyare zvirimwa zvemwaka mupfupi. Zvimwe zvezvirimwa zvamunokwanisa kudyara panguwa yatiri zvakafanana nesugar beans, maringazuwa, mbambaira neizvo zvinoibva muchinguva chipfupi. Mukatarisa zvinyorwa zvakapfura takadzidzisana kuti zvimwe zvezvirimwa izvi zvinorimwa sei.

Ichokwadi kuti mvura ishoma mwaka uno nekudaro ino nguva ndeyekushandisa kugadzira mariji nekumasunganidza, kuita makomba anobata mvura mumunda (pot holing). Ndiyozve nguwa yatinokwanisa kuisa fetireza yetop kune avo vane zvirimwa zvasimuka.

Top kana tanga tichida kuisa ruviri tinokurudzira kuti muise kamwechete nokuti mwaka wafamba uyezve shomanai, ngatiti mangamuchida kuisa 300kg pahekita, mava kuisa 150kg pahekita. Kana tichiisa top ngatiisei masendimita gumi nemashanu kubva padzinde (15cm away from the stalk) tobva takofora munda kuitira kuchengetedza hunyoro. Sora ngarigare rasakurwa, munogona kusakura nebadza, kuuraya nemishonga (herbicides) kana kutipura nemawoko.

Ndiyo nguwa yekumema zvirimwa kuona kuti hakuna here tupembenene twuri kudya zvirimwa mumunda kunyanya rukonye (stalk borer). Rukonye rwuri paviri, kana rwuri mugore rekutanga rwunongodya pamuromo pechibage asi kana rwadzoka kepiri zvichienda mberi rwunobata mugunde pamwe nevana zvekuti chibage hachizokuri.

Rukonye kurwugona kurwuuraya mugore rekutanga kuitira kuti rwusaenderere mberi. Harwudhuri kuuraya uye harwunetsi, chenyu kutora mushonga werukonye unobva pamakeigizi maviri kusvika pamana pahekita (2 to 4kg/ha). Kana muchiisa pamwoyo neruwoko, munoda 2kg pahekita asi kana muchiisa negaba rineburi (shaker) munoda 4kg pahekita.

Kuvarimi wefodya ino ndiyo nguva yekutsvaga nzvimbo dzekufesera mbeu, nzvimbo iyi inofanira kunge iri kure nenzira yeruzhinji, ivhu rinofanira kunge rakadzika uyezve risingajengi mvura. Panofanira kunge paine mvura yakachena uye yakawanda. Munokwanisa kurima munda vembesa yefodya. Munda uyu unoda kurimwa uine mwando wakakwana kwete une mvura yakawandisa nokuti unouraya ivhu.

Kana mune munda wamakarima tinokurudzira kuti mugare makabvisa masora nokuti anopedza mwando uri muvhu uyezve anochengeta zvirwere netupembenene. Torai ivhu rinoongororwa moisa lime sekuudzwa kwamunenge maitwa. Imba yekugrader fodya ngaive yakachena uye moipenda newhitewash chena kuitira kuti meve nechiedza chakakwana.

Kana mapedza kupisa fodya imba yekupirisa fodya (ban) ngaicheneswe kuitira imwe fodya inotevera ipinde makachena. Fodya ngaipiswe nekutyorwa kwainenge yaitwa zvichienderana nekuibva kwainenge ichiita mumunda kuitira kuti iibvirane iine ruvara rwakafanana, zvichizoita kuti basa rekukohwa ruite shoma.

Mogadzirira zvekuputira fodya mumabhera, masaga nemapepa. Ndiyo nguva yekusima miti yekupisisa fodya kuitira kuti tichengetedze masango edu ayo ari kushomeka gore negore zvichikonzerwa neavo vanotema huni dzekupisisa fodya.

MAKWIKWI:

Mubvunzo wechinyorwa chino:

Tiudzei kuti chibage chinobhadhara kudyara nguva yatiri ino ndechipi.

Nyorai mhinduro pafomu riri pazasi motevedza zvinodiwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>