Masiraha asina kunyoreswa hokoyoyi

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Masiraha asina kunyoreswa hokoyoyi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE ine hurongwa hwekuvharisa masiraha ose anotengesa nyama asina kunyoreswa zviri pamutemo senzira yekuunza kugadzikana muindasitiri yezvipfuyo pamwe nekurwisa kupararira kwezvirwere. Vachitaura nevarimi vakapinda musangano weZimbabwe Dairy Farmers Association of Zimbabwe kuBulawayo nguva yadarika, mutevedzeri wegurukota rebazi rezvekurima kuchikamu chezvipfuyo, Cde Paddy Zhanda, vakati varidzi vemasiraha vanofanira kuanyoresa zviri pamutemo.

“Kune masiraha akawanda kwazvo ari kungonyuka uye hatiadi zvachose saka hatisi kuzopa marezinesi matsva kuvanhu vakadai. Kune nyaya dzehuwori dzakawanda muindasitiri yezvipfuyo nekudaro tiri kutora matanho nekuti zviri kukonzerawo kupararira kwechirwere chemahwanda,” vakadaro.

Vamwe varimi vakapinda musangano uyu vakanyunyuta zvikuru nekufambiswa kuri kuitwa mombe dzichienda kunzvimbo dzakasiyana pasina mvumo yeveDepartment of Veterinary Services vachiti kuita uku kuri kubatsira zvakare mukupararira kwezvirwere.

Vakati mapurisa anowanzomema migwagwa munguva dzemasikati asi usiku ndihwo hunofambiswa mombe idzi dzinenge dzichitengeswa zvisiri pamutemo.

Cde Zhanda vakakurudzira varimi nemamwe mapoka akazvimiririra kuti vange vachimhan’ara nyaya dzehuwori kana mhosva dziri kuitwa mubhizimusi rezvipfuyo.

“Varimi muri kuziva kuti kune mombe dziri kufambiswa pakati pehusiku asi muri kuramba makanyarara. Ndimi munofanira kufumura nyaya idzi. Vamwe varimisi nevadhibhisi vari munyaya dzekutengeserana mombe zvisiri pamutemo navana muzvinabhizimusi. Tinofanira kudzika mitemo inotevedzwa,” vakadaro.

Indasitiri yezvipfuyo iri panyatwa nekuda kwechirwere chemahwanda icho chatekeshera kumatunhu akadai seMasvingo, Midlands, Matabeleland South neManicaland.

Zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kukundikana kufura nekuda kwemaronda anenge ari pamuromo, mhuru dzinofa nekuda kwekuti dzinenge dzichishaya mukaka wakakwana pamwe nekuti mombe dzinofamba dzichikamhinha nekurwadziwa nezvitsiko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>