Mbeu dzekurima mwaka uno

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Mbeu dzekurima mwaka uno DR Tafara Matekaire (vechipiri kubva kuruboshwe) nevamwe vavanoshanda navo vanoti VaPhillimon Kwaramba (kuruboshwe), VaClemence Matembo (vechitatu kubva kuruboshwe) naPrecious Chekai vachiongorora imwe yembeu itsva yechibage yemhando yeSirda 115 yavakarima muminda yavo kuSirdc, muHarare.

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
KANA pane asina kunzwisisa zvakataurwa nevanoongorora mamiriro ekunze, veMet Department, vakati mwaka wegore rino unenge uine mvura yakakwana zvichidzika kuenda kumvura shoma.

Zvichireva kuti dzimwe nzvimbo dzichawana mvura nekukurumidza yakakwana, dzimwewo ichakurumidza yogumira munzira, dzimwewo dzichinonoka kuiwana, zvichingodaro.

Sekutaura kwandakaita muchinyorwa chapfura kuti Mwari anotidisa, akafushunura izvi kuitira kuti idzo njere dzaakatipa tidzishandise kugadzirira kuti tisafe nenzara.

Ndezvipi zvimwe zvatingakwanise kuita kuti tiwane goho rakanaka rekuwanisa mhuri pamwe chete nenyika chikafu?

Mwari akapedza pake pekutipa pfungwa dzekuti tifunge, hezvo zvezvimwe zvekuti tikaita tinobuda nenyika.

Muchinyorwa chino tinoda kutarisa zvimwe zvezvirimwa zvisingateti zuva, zvekuti nyangwe musingafarire sadza racho munokwanisa kutengesa zvamakohwa moita mari yekutenga chikafu chamunofarira kana kuchinjana nevanofarira zvamakarima (butter trade).

Musanganiswa wezvirimwa (crop diversification) unobatsira kuti pachatadza chimwe chirimwa kuita zvakanaka, chimwe chinoita.

Tiri kutarisa kuti murimi achasanganisa zvirimwa zvisingateti zuva neizvo zvinoteta zuwa pamwepo neizvo zvisingade mvura yakawanda zvichizviriritira muzuva zvakare. Kana tadai nyangwe zvidini hatishaiwe chikafu.

Musanganiswa wezvirimwa haumiririri zvirimwa zvemumunda chete, zvinosanganisira zvipfuyo kuitira kuti chikafu nemari zvibve kumabasa akasiyana-siyana pamusha kana papurazi.

Mapfunde, zviyo, mhunga, nyimo, nyemba, nzungu, mbambaira, miriwo yakasiyana-siyana, mufarinya, bhinzi nezvimwewo ndizvo zvandiri kutaura nezvazvo.

Zvirimwa izvi zvakangofanana nezvimwe zvirimwa zvose, zvinofarira kurimwa mumunda wakagadzirwa zvakanaka kuitira kuti zvipe goho rinoenderana nedunhu razvinenge zvarimwa.

Zvirimwa izvi zvinofarirawo muvhu rakadzika, risingajenge mvura uyezve rine pH iri pakati pa5.0 na6.5. Zvinofarirawo kurimwa mumunda usina sora kuitira kuti tichengetedze mvura iri kunzi ishoma, kudzivirira zvirwere netupembenene.

MAPFUNDE: Munoda fetireza yeCompound D inokwana 150kg pahekita muvhu rakasimba ne300kg pahekita muvhu rejecha. Asi tinokurudzira kuti munoongororesa ivhu mwaka uchingopera. Mbeu munoda 10kg pahekita. Mapfunde anokwanisa kukupai goho rinosvika matani matanhatu pahekita.

Fetireza yepamusoro (top) munoda 100kg pahekita muvhu rakasimba ne150kg pahekita mujecha.

Munodyara 90cm kubva pamutsara kuenda pamutsara ne7cm kubva pambeu kuenda pambeu. Pane mapfunde machena nematsvuku asi anongoshanda zvakafanana. Pane mhando dzakati wandei dzemapfunde, dzimwe dzacho iSila iyo inova chena, Macia (machena zvakare) neSmile (matsvuku).

Mapfunde haanetsi kutengesa uyezve anobhadhara mari yakafanana nechibage kana muchitengesera kuGMB.

Munokwanisa kushandisa hupfu hwacho mune zvakasiyana-siyana zvinosanganisira sadza, maheu, kubheka, nezvimwewo zvakawanda.

Mapfunde anotengwa nemakambani anogadzira doro pamwe neavo vanogadzira chikafu chevanhu nechezvipfuyo. MHUNGA: Munoda fetireza yeCompound D inokwana 150kg pahekita muvhu rakasimba ne200kg pahekita muvhu rejecha. Asi tinokurudzira kuti munoongororesa ivhu mwaka uchingopera. Fetireza yepamusoro (top) munoda 100kg pahekita muvhu rakasimba ne150kg pahekita mujecha. Mbeu munoda 7kg pahekita.

Munodyara 75cm kubva pamutsara kuenda pamutsara ne15-20cm kubva pambeu kuenda pambeu. Mhunga inokwanisa kukupai gohwo rinosvika matani mashanu pahekita.

ZVIYO: Munoda mafetireza yeCompound D inokwana 200kg pahekita muvhu rakasimba ne300kg pahekita muvhu rejecha. Asi tinokurudzira kuti munoongororesa ivhu mwaka uchingopera.

Pambeu munoda 5kg pahekita, mozoda 100kg pahekita yetop muvhu rakasimba ne200kg pahekita mujecha.

Munodyara 50cm kubva pamutsara kuenda pamutsara ne15cm kubva pambeu kuenda pambeu. Vamwe vanokusha kana kumwaya vozodzurira vachisima. Zviyo zvinokwanisa kukupai goho rinosvika matani mana pahekita. Zviyo hazvinetsi kutengesa uye zvinobhadhara mari yakanaka.

Munokwanisa kushandisa hupfu hwacho mune zvakasiyana-siyana zvinosanganisira sadza, maheu, kubheka, bota nezvimwewo.

 

MAKWIKWI:

. Muvhunzo wesvondo rino: Tipei mabasa anogona kushandiswa mapfunde.

Nyorerai mhinduro pafomu riri pazasi motevedza zvose zvinodiwa. Kuti muzive zvakawanda, ridzai nhare dzinoti: 0773 296 072

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>