Mbuya nemuzukuru tiba! -‘Gogo muri muroyi’ -‘Iwe uri muSatanist’

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Hardway Nyakuwarwa
AMBUYA nemuzukuru vakatosvorana kusvikira pakumisidzana mudare vachipomerana huroyi apo muzukuru ainzi muSatanist.
Susan Mutandiro akadhonzera muzukuru wake, Natasha Zanza, kuHarare Civil Court achiti amuonesa pfumvu. “Ndakagara nemwana uyu kubvira aine mwedzi miviri yekuberekwa mushure mekunge amai vake vauya kuzomukanda pamba pangu. Ini ndaienda Jubheki ndikasvika pakurega ndichimuchengeta.

“Kunetsa kuri kuita mwana uyu zvinoratidza kuti ari kudiwa kumba kwavo, dai ari mumwe munhu aigona kuita hunhu kwahwo achitenda kuchengetwa.

“Vanhu vose kwatinogara kuKambuzuma vanoziva nyaya iyi. Iko zvino akaita pamuviri akasvika pakusununguka asi kumubvunza aiti ari kunzwa mudumbu (kurwara nemudumbu). Pamwe pacho oti ane mota pakaipa kusvika nhumbu yazvarwa,” akadaro.
Akati baba vaZanza vakashaya mutsaona yemotokari.

“Ini ndiri kuchengeta rudzi rusiri irwo mumba mangu. Kana mwana wake akangochema zvinonzi, ‘nyarara zvako mwanangu tiri pamuroyi’. Kana akabuda mumba mangwanani anodzoka husiku, haana basa raanoita kutaura kuno. Kana sekuru vake havachina neremuromo naye,” akadaro Mutandiro.

Zanza akaudzawo dare kuti ambuya vake vanofamba vachiudza vanhu kuti iye muSatanist.
“Ishe wangu, ndinoda kuzivisa dare kuti mbuya vanofamba vachinditi ndiri muSatanist nekudaro zvinhu zvinondirwadza chose. Ini handivatuki kana kuvarova asi kuti pandakatizira kumukomana wangu ndakanzi navamwene vangu huya nemunhu mukuru. Ivo pamwe natete vakatuka vamwene vangu kusvikira ndadzingwa, nanhasi nekudaro handichaziva zvokuita,” akadaro Zanza.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Zanza arege kutuka, kurova kana kushungurudza ambuya vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>