MoneyMaker yotsigira chirongwa Zim-Asset

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
MoneyMaker yotsigira chirongwa Zim-Asset

Kwayedza

Agriculture water spray

KAMBANI yeMoneyMaker Irrigation Pumps yorumbidzwa nekutsigira kwairi kuita chirongwa cheHurumende chekuvandudza hupfumi hwenyika cheZim-Asset kuburikidza nekuwanisa varimi michina yemadiridziro iyo iri nyore kushandise uye isingavadhurire.

VaNoah Kapishe vekuMt Darwin vanoti  vakatengera amai vavo MoneyMaker Irrigation Pump kuitira kuti vasanetseke pakurima.

“Amai vangu vanorima mbatatisi, matomatisi,  chibage, muriwo nezvimwe zvakawanda pasina zviya zvekurwadziwa nemusana vachitsiga mugoro pakudiridzira. Vanokwanisa kurima kwegore rose pasina zororo nekuda kwemadiridziro zvekuti kunyangwe zvikanzi kwapisa kana kuti kwashomeka mvura nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze tinoona madiridziro aya achitipa maguta,” vanodaro.

VaKapishe vanoenderera mberi vachiti kuburikidza nemadiridziro aya, amai vavo havasi munhu anoda kuriritirwa nevana nekuti vari kuzviitira mari yavo vari kumaruwa. “Kwandiri MoneyMaker Irrigation Pump ndinoti iZim-Asset nekuti inoita kuti munhu asandure upenyu hwake munyaya dzeupfumi. Handichina nguva yekutumira amai mari paEcocash nekuti ivo vanotogara vainayo kumusha apo vanotengesa zvirimwa zvavo. Chero patinoenda kumusha hatitengi matomatisi nembatatisi nekuti zvose tinozviwana kuminda saka nekunetsa kuri kuita mari kumabhanga tinotoenda kumusha kunotora chikafu,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaShonhiwa Chipfunde vane purazi kuNorton vachiti basa ravo riri kufambira mberi zvakanaka nekuda kwemichina yemadiridziro inogadzirwa nekambani iyi.

“Ndakatenga muchina wemadiridziro wemhando yeMoneyMaker ndichiitira vashandi vangu vari kupurazi kuNorton kuti vange vachibatsirikana. Michina iyi iri nyore kushandisa nekuti haidi simba rakanyanya uye haidhure nekuti haishandisi magetsi, peturu kana dhiziri sezvinoita mimwe  inova inodhurira varimi,” vanodaro VaChipfunde.

VaPaul Dunduru, avo vanorima vari kuShamva kudunhu reMashonaland Central, vanotiwo madiridziro aya anobatsira zvakanyanya varimi vadiki mukusimudzira mabasa avo.

“Sevarimi vadiki, tinoda zvinhu zvakati rerukira zvisingaite kuti tibudise mari zhinji. Ndiri kutocheresa mugodhi wemvura kuti ndigoshandisa muchina uyu mukudhonza mvura yekudiridzisa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>