‘Mukadzi wangu anobikira maroja’

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘Mukadzi wangu  anobikira maroja’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUMWE murume anoti mudzimai wake ane tsika yekubikira maroja avo chikafu, izvo zviri kukonzera kusagadzikana mumba mavo sezvo aine fungidziro yekuti mukadzi uyu anodanana nemaroja.

John Mafasito akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemudzimai wake, Chinhamo Mwedzeka, achiti ari kumurova nekumudzinga pamba.

Mwedzeka anoti murume wake anochengera zvikuru sezvo asingade kuti ataure nemaroja avo.

“Murume uyu anondipopotera zvisina basa sekuti ndataurirei nemaroja. Inotoita nyaya hombe zvekuti ndinotorohwa nekudzingwa pamba nekuda kweizvozvo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Anoda kuti ndigare mumba zuva rose ndisina kana wandinenge ndichitaura naye, asi pamba panenge paine vanhu.”

Mwedzeka anoti pamba pavo hapagarise maroja nekuda kwekuti panogara paine bopoto.

“Vakangomuka vakazvifunga, vanondituka zuva rose vachinditi ndine shave renjuzu, ndiri muroyi uye ndinodanana nemaroja zvekuti maroja haagare, anotama nekuti isu tinenge tisingawirirane.”

Mafasito anoudza dare kuti chinomurwadza ndechekuti Mwedzeka anowirirana zvakanyaya nemaroja, avo vanove vanhurume zvekusvika pakuvabikira zvekudya.

“Mukadzi uyu handimushungurudze, asi kuti anowirirana nemaroja zvekusvika pakubikirana sadza.

“Ini ndikamuudza kuti handizvifarire, anobva atora hembe dzake ava kutobva – hanzi ndiri kumushungurudza.

Hushamwari hwake nemaroja ndihwo hwandisingade, ndinopedzesera ndava kufunga kuti vanodanana,” anodaro Mafasito.

Mwedzeka akabva amugamha achiti akabikira mumwe muroja wavo sadza zuva rimwe chete apo murume wake aivepo.

“Ndakabikira mumwe muroja wedu sadza kamwe chete uye murume uyu aiva aripo vakatodya vese. Asi zvave kuita kunge ndinogara ndichizviita.

“Chingoripo ndechekuti ane shanje asi hadzisi kubatsira nekuti muroja wacho izera remwana wangu saka hapana pandingadanane nemwana mudiki kudaro kana ndichinge ndafunga zvechikomba,” anodaro Mwedzeka.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Mwedzeka gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>