Muroora anorova tezvara

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
PANA tezvara vakakwidza nyaya yekurohwa nemuroora wavo achibatsirana nemwanakomana wavo kumatare edzimhosva vachiti vanzwa nekufurufushwa zvekuti rugare hapasisina.

John Tensen akamhan’arira mwanakomana wake – Staneford Petros – kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumurova achibatsirana nemudzimai wake.

Baba ava vakaudza mutongi wedare iri, Sharon Chipanga, kuti: “Mambo wangu, ndinotodemba chakafira mudzimai wangu. Kubva zvakashaya mudzimai wangu, pamba pangu hapana rugare. Mukomana uyu anogara achindifurufusha achiti pamba ndepaamai vake.

“Akatombondirova mushure mekunge ndamutsiura kunetsana kwaanogara achiita nehanzvadzi yake. Ndakamuudza kuti itsika isina kunaka iye akati ndamutuka achibva atotanga kundirova.”

Vanoenderera mberi vachiti Petros nemukadzi wake havana rukudzo naye zvachose.

“Vave kutojaira tsika isina kunaka nemukadzi wake, yekundiona kunge kapwere kavo. Ndave munhu mukuru, ndini ndakamuchengeta mwana uyu kusvika akure kudai uye ndinonyarara zvangu nekuti ini ndinonamata.

“Mudzimai wake akandirova zvandakatya. Handisati ndambozviona kuti muroora anorova vatezvara. Ndakamumhan’arira kumapurisa akasungwa. Nyaya yake yakatongwa akabatwa nemhosva akanzi aite community service kwemwedzi wose,” vanodaro tezvara.

Petros akapikisana nababa vake achiti vanoda gwaro redziviriro senzira yekumudzinga pamba.

“Ini handinetsane nababa. Dambudziko ravo nderekuti vanopindira pandinenge ndanetsana nehanzvadzi yangu. Zvekuti chero gwaro iri (affidavit), havasi ivo vakarinyora. Ini ndinotsiura hanzvadzi yangu pamusana petsika yake yekugarouyisa shamwari dzake dzichigara pamba mahara,” akadaro.

Anoenderera mberi: “Pese pandinenge ndave kuda kuburitsa vanhu ava pamba nekuti vanenge vasingatipe mari, baba vanobva vatanga kundituka vachindiudza kuti imba ndeyavo. Vanondituka nezvinyadzi pamberi pemudzimai wangu nevana zvinova zvinhu zvinondibata chose.”

Mutongi Chipanga akapa baba ava gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links