Mwana anoporofita akasungiswa

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

Nyore Madzianike
MURUME wekuMarondera akaendesa muporofitakadzi ane makore 16 okuberekwa kudare achimupomera mhosva yekuti akamuti muroyi uye ane chikwambo chinoshungurudza mhuri yake.
Moses Mukoko (43), anogara paPlot 3 Skoonveld, kuMarondera, akamhan’arira muporofita uyu kuHarare Magistrates’ Courts zvisinei kuti ndiye akange amutsvaga achida kurapisa mwana wake airwara.

Muporofita uyu, uyo zita rake ratinaro asi ratisingakwanisi kudoma nokuda kwezera rake, anogara kuRuwa.

Nyaya iyi yakanzwika nemutongi Batsirai Madzingira, uyo akati musikana uyu aende kunoongororwa pfungwa nanamazvikokota asati atongwa.

Zvinofungidzirwa kuti pfungwa dzemwana uyu hadzina kugadzikana.

Muchuchusi Progress Maringamoyo anoti mangwanani emusi wa23 Kubvumbi gore rino, Mukoko akaenda kumba kwemuporofita uyu achida kurapisa mwana wake airwara. Chirwere chemwana hachina kujekeswa mudare iri.

Muporofita uyu anonzi ane mukurumbira wekurapa vana, izvo zvinova zvakaita kuti Mukoko amushanyire.

Dare rakaudzwa kuti Mukoko paakasvika pamba pemuporofita uyu, akataura dambudziko raive nemwana wake achiti anoda rubatsiro.

Muchuchisi Maringamoyo anoti muporofita uyu akaudza Mukoko kuti ndiye aiva nechekuita nekurwara kwemwana wake. Zvinonzi akamuudza kuti aive nechikwambo chaishungurudza mhuri yake.

Mukoko anonzi akaudzwa kuti areurure kuti aive nechikwambo uye kuti aikonzera kurwara kwemwana wake kuitira kuti akwanise kushandirwa. Izvi zvinonzi hazvina kufadza Mukoko, uyo akabva aenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa achiti akange anangwa huroyi zvichibva zvaita kuti mwana muporofita uyu asungwe.

Mwana uyu anotarisirwa kudzoka kudare zvakare munguva pfupi iri kutevera mushure mekunge pfungwa dzake dzaongororwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>