‘Ndakakutsiranwa nemudzimai nechikomba’

09 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
‘Ndakakutsiranwa  nemudzimai nechikomba’

Kwayedza

Memory Lemani
MUMWE murume anoti aimbova mukadzi wake akamukutsirana nechikomba chake icho chaida kumubaya nebanga mushure mekunge amushanyira achida kuona mwana wake.

Thomas Bonde akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arirwa naEsnath Makumbe uyo aida gwaro redziviriro achiti ari kumushungurudza.

Makumbe akati Bonde anogara achimurova pamwe nekumutukirira pajekerere achimuti ipfambi yemakoko. “Changamire, murume uyu andionesa chitsvuku. Handizivi kuti imhosva here kumuramba. Ini naye takasiyana kutanga kwegore rino asi pose paanouya kuzoona mwana anototi asiye aita mhirizhonga.

“Handichina mufaro nekuda kwake. Pose paanouya anondituka achiti ndiri pfambi uye zvose izvi anozvitaura vavakidzani vachinzwa,” akadaro.

Makumbe akati Bonde anorwisa kunyangwe neshamwari dzake dzechirume dzaanenge aona dziri pamba pake.

“Patakasiyana takawirirana kuti anouya achiona mwana asi ndava kuona sendakatadza nekuti pose paauira anototi asiye andituka kana kundirova. Mazuva adarika aya akauya kumba kwangu akasvika ndine shamwarirume akatyora gonhi kuti awane kupinda chete.

“Apinda, akabva atanga kurwisa muenzi wangu kusvikira atiza. Ndava kutotya kuita shamwari dzechirume nekuti anovarova sezvinonzi ndivo vakaita kuti tirambane,” akadaro Makumbe.

Bonde akaramba zvaitaurwa naMakumbe achiti haaite mhirizhonga naye asi kuti anoenda kwaanogara achida kuona mwana wake chete.

“Zviri kutaurwa nemukadzi uyu handizvizive. Ndinongotaura naye kana kuenda kumba kwake ndichinoona mwana sezvo ari iye akandiramba uye handimurwise pandinosvikako,” akadaro Bonde. Mutongi Alice Tarugarira akagamuchira chikumbiro chaMakumbe ndokuti vaviri ava vasaite zvemhirizhonga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>