‘Ndakanwiswa ropa remunhu’

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
‘Ndakanwiswa ropa remunhu’ Kelvin Masocha

Kwayedza

Kelvin Masocha

Kelvin Masocha

Yvonne Chidochashe Manyanja
VANHU vaive mudare vakasiririswa zvikuru apo mumwe murume akati ari kushungurudzwa zvakanyanya nemudzimai wake uyo waanoti akasvika pakumunwisa ropa raibva papedhi (pad) rake panguva yaaitevera nechinangwa chekuti kana achinge angomurova chete obva amusungisa.

Kelvin Masocha akamhan’arira Nyasha Muchapunha kuHarare Civil Court achiti: “Ndashungurudzika nemukadzi uyu izvo zvaita kuti ndikumbire gwaro redziviriro. Ndinoziva zvichiera kuti mukadzi kana achitevera murume haafanire kuona ropa rake asi mudzimai wangu akandidyisa pedhi rakanga rakazara ropa. Zvinoita kunge zvekunyepa asi ichi ndicho chokwadi chazoita ndiuye kuno.

“Pamusoro pazvo, anongotanga kupopota zvisinganzwisisike pamwe nekundirova kuri kuda kutsvaga hasha dzangu. Handirambe, ndinopedzisira ndashatirwa ndobva ndamurova zvinozoita kuti ndigare ndichisungwa.

“Changamire, kana zvichibvira ndipeiwo gwaro iri nekuti ini handichazvigona, anogona kutozondiuraya nedzimwe nzira.”

Muchapunha akapokana nezvakange zvataurwa achiti Masocha anomunyepera.

“Ishe wangu, inyaya dzake dzekufunga mumusoro make dzaari kutaura. Kana ndakamunwisa ropa sezvaari kutaura akadii kuenda kumapurisa kunondimhan’arira? Munhu ari kutotambudzwa ndini, murume uyu anogara achindizvambaradza zvinoita kuti ndigare ndichimusungisa.

“Ane mari yangu yaanogara achindirovera pose pandinoti ndibvunze. Mumwe musi akatoita zvekundikandira panze achibva atanga kundirova zvekuti vemunharaunda vanomboedza kumubata votadza.

“Anotombosvika pakundibvarurira hembe ndosara ndingori musvo saka kana pane munhu ari kushungurudzika ndini, kwete murume uyu,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa Masocha gwaro redziviriro ndokuti kana pane nyaya dzinenge dzichinetsa muwanano yavo, vaviri ava vataurirane mune zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>