‘Ndava kutya kurohwa nevana vangu ‘

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
VANA vashanu vekumiswa mudare redzimhosva vachinzi vari kushungurudza baba vavo vanoramba mhaka iyi vachiti baba ava vanofurirwa nanyachide wavo.

Robert Mukombe akamhan’arira vana vake vashanu vanosanganisira Clive naWellington Mukombe kuHarare Civil Court achiti vamushaisa rugare.

“Vana ava vose vari vashanu vari kundishungurudza nekundityisidzira nekuda kundirova. Ndave kutotadza kugara pamba pangu nekuda kwezvavari kundiita,” anodaro Robert.

Anoenderera mberi achiti vana ava vari kutengesa minda yake zvisinei nekuti ivo akavapa yavo.

“Vana ava ndakapa mumwe nemumwe munda wake wakakura.

‘‘Zvino nekuona kuti vakura, vakatengesa zvimwe zvidimbu uye pavakaona kuti yavo yapera, vave kuuya kuzotengesa yangu,” anodaro Robert.

Anoti vana ava vanomuudza kuti kare aimbovatonga vachiri kuyaruka asi iye zvino yave nguva yekuti vambomutongawo.

“Vari kuti ndaimbovatonga saka vave kutsiva vachiti ivo vakura, ndivo vave kunditongawo. Ndava kutotya nekuti vakurawo uye vakawanda vanogona kundirova,” anodaro Robert.

Zvakadai, vana ava vanoramba zvose zvinotaurwa nababa vavo vachiti ndivo vari kutotengesa mimba yavakange vavapa.

“Baba ndivo vari kutotengesa minda yavakatipa vachiti yakakurisa zvekuti takatoenda kwamambo vakanzi varipe mumwe wedu nemombe. Zvekuti tiri kuvashungurudza kana kuvatyisidzira manyepo,” anodaro Clive.

Anoti minda yavakapihwa nababa vavo iyi vakavati zvakare vatengese zvimwe zvidimbu pamumwe nemumwe wavo, mari yacho ndokuvapa.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Robert gwaro redziviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>