Ndine rudo, handina nungo – Sokostina

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Ndine rudo, handina  nungo – Sokostina

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUTAMBI wemudhirama rinosetsa rinonzi Muchaneta — Tendai Garwe — uyo vazhinji vanomuziva nezita remadunhurirwa rekuti Sokostina kana kuti Tambudzai, anoti mutambo uyu wamuvhurira mikana yakawanda muupenyu hwake zvichitevera kushanda kwaave kuita nemakambani ane chitsama.

Sokostina — uyo vazhinji vaimuziva ari mushamarari panhepfenyuro yeZiFM Stereo achipakura chirongwa chiri pamusoro penyaya dzebonde – mumwe wevatambi vanofarirwa zvikuru padhirama Muchaneta iro rinobuda paZBC nemusi weChishanu apo anenge achinzi Tete Tambudzai, hanzvadzi yaJosphat uyo anova murume waMuchaneta.

Mudhirama iri, Sokostina munhu ane nungo, asingade kushanda, anoda upenyu hwepamusoro uye anopfimba varume. Sokostina – uyo zita iri rinobva pakuti anoera Soko “muMbire akakwana” – akapfimba mukomana Bhaureni akabvuma. Asi muupenyu hwake, Sokostina anoti anoshanda nesimba kuti ariritire mwanakomana wake – Tawanda.

“Tambu akapinda mandiri, asi hongu, pane zvimwe zviri paari zvandinotoona kuti ndini zveshuwa. Tambu munhu ane rudo anobatanidza mhuri yake uye ndiye ari kuiriritira. Zvakangofanana neni muupenyu hwangu, ndinoshanda nesimba uye ndine rudo. Asi handina nungo saTambu wemudhirama uyo asingatomboda zvekushanda izvo zvinoonekwa apo paakaenda kumusha kwaaisatombode zvekushanda. Akatotakura piro kuendako,” anodaro Sokostina.

Sokostina akazvarwa mugore ra1982, ndewechipiri mumhuri yevana vatatu uye akakurira papurazi kuNyanga.

Anoti akadzidza pazvikoro zvinoti Chancellor Primary School neBonda Mission, kwaMutare. Kuchikoro ndiko kwaakadzidzira zvemadhirama uye hunyanzvi hwake hwaionekwa apo aiita misikanzwa achiramba dzimwe mhosva dzaainge apara.Paakapedza chikoro, akambopinda mune zvemimhanzi akashanda nechikwata cheCelebration Choir.

“Zvemadhirama ndakazvitanga ndichiri kuchikoro nekuti ndainge ndakangwarira-ngwrira. Ndaive nemisikanzwa asi ndaisabatwa nemhosva nekuti ndaigona kuzvichenesa ndotoita kunge ndanga ndisipo asi ndirini ndainge ndatangisa musindo. Asi rimwe zuva zvakazobatwa kuti ndizvo zvandiri, ndikarangwa,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Ndakura, ndakapinda mune zvemimhanzi apo ndakamboshanda neCelebration Choir, asi ndaingotsigira ndiri kumashure chete.

“Mhanzi ndinoida zvikuru uye ndinofarira kuimba zvekuti ndiri kuronga kuzotsikisa nziyo dzanguwo.”

Ko zita rekuti Sokostina rakambobvepi?

“Ini ndiri muyera Soko akakwana uye ndipo pandakaumba zita rangu rekuti Sokostina. Soko anomirira mutupo wangu, kozoti stina ndakazowedzera kuti zvinakidzirewo,” anodaro.

Sokostina anoita mabasa akawanda muupenyu hwake sezvo kunze kwemadhirama, achishanda semutauri (master of ceremony) pamichato nepamabiko emakambani uye inyanzvi pakurwira kodzero dzevanhukadzi. Anoti kuburikidza nedhirama Muchaneta azarurirwa mikana yakawanda.

“Ndinoita mabasa akawanda chaizvo ndichishanda nesimba. Ndinotenda dhirama Muchaneta nekuti Tambu andizarurira mikana yakasiyana.

“Pandinofamba, vanhu vanoda kutorwa mifananidzo neni uye makambani akawanda ave kuda kushanda neni, kushambadza zvavanoita.

“Asi munhu mumwe chete ari panguva yakaoma, mwanakomana wangu Tawanda – uyo paanenge ari kuchikoro, vanhu vanenge vachingomuti mwana waTambu. Anofarirwa zvikuru, iye ndiye anotongonyara nazvo.”

Share This:

Sponsored Links