‘Nyachide anondisvipa pose tinoonana’

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Nyachide anondisvipa pose tinoonana’

Kwayedza

Garnet Zvimba
NYACHIDE wekunzi anopfira mate pasi pose paanoona vahosi vake pamwe nekuvati ipfambi akazochechuka amiswa mudare nemukadzi mukuru uyu.Fadziso Ruddo akaendesa nyachide wake, Grace Moyo, kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

Ruddo akauya kudare aine vafakazi vake vanoti Fortunate Hungwe, uyo anova mwana wake, naForget Choto.

Akaudza dare kuti aooneswa chitsvuku naMoyo.

“Mukadzi uyu anopfira mate nguva dzose paanondiona, kunyangwe kumagirosa, achinditi ndiri pfambi. Vana vake chaivo vave kutofundawo tsika yaamai vavo yekunditi pfambi.

Hungwe akati nguva zhinji anoona Moyo achisvipa mate paanoona amai vake. Choto akatsinhirawo mashoko aya achiti: “Ichokwadi kuti Grace anopfira Fadziso, ndakazviona kakawanda zvichiitika.”

Moyo akaramba zvose zvaitaurwa achiti manyepo.

“Ndikamubvunza mari yemagetsi otofamba achinditi ndamutuka. Zvino ndorega kubvunza here?” akadaro Moyo.
Mutongi Trevor Nyatsanza akati Moyo asashungurudze Ruddo nenzira ipi zvayo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>