Nyakupopota mudare ogadzikwa mudhishi

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Nyakupopota mudare  ogadzikwa mudhishi

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MURUME wekuzvidza dare nekuramba achipopota mushure mekunge anzi nemutongi anyarare akazozvidemba apo akatongerwa kubvisa faindi ye$20 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemazuva gumi.

Trevor Sigauke akaramba achipaumba apo ainge amhan’arirwa kudare reHarare Civil Court nemukadzi wake, Vongai Bora, achida kuti abhadhare mari yekuchengeta vana vavo.

“Changamire, ndauya pano nechikumbiro chekuti baba ava vachengeta vana vavo. Tine vana vatatu tose uye vaviri vanoenda kuchikoro saka ndinoda kuti andipe $355 pamwedzi,” anodaro Bora.

Anoti iye anowana $20 pamwedzo iyo isingakwane kuchengeta vana.

“Asi baba vanoshanda uye vanowana $400 pamwedzi. Saka ngavandipe mari vana vararame,” anodaro.

Sigauke anopikisana nemashoko emukadzi wake achiti hapana mari yaanomupa.

“Hapana mari yandinomupa, anoidii uye ndomupa kangani ini ndichiti pese pandinohora ndomupa mari yose?

‘‘Chikafu ndinotenga uye vana ndinochengeta,” anodaro achipopota.

Mutongi Nyasha Marufu anozama kunyararidza Sigauke kuitira kuti iye ataure asi zvinoshaya basa sezvo achiramba achipopota.

“Hapana chandinonyararira, anoda kundi’fixer’ chete nekuti akaona tsamba dzeshamwarikadzi mufoni. Ndizvo zvaari kuitira zvose izvi,” anodaro.

Mutongi Marufu anoti nekuda kwekuti haazi kuterera zvinorehwa nedare kuti anyarare, nyaya yake ichazotongwa mushure mekunge dzimwe dzose dzatongwa, izvo zvinoita kuti Sigauke abva anyanya kupopota.

Mutongi Marufu anobva atemera Sigauke chirango chekubvisa faindi ye$20 uye kukundikana kwake anozonodya refovhoro kwemazuva gumi mushure mekumubata nemhosva yekuzvidza dare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>