‘Nyoresai kurima fodya nenguva’

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
‘Nyoresai kurima fodya nenguva’

Kwayedza

KAMBANI inotengesa fodya yeBoka Tobacco Floors inoti zvakakosha kuti varimi vanyorese kurima chirimwa ichi nguva ichiripo kuitira kuti zvizove nyore pakutengesa pane kuzoshandisa magwaro ekurima evamwe sezvo zvinogona kukonzera kuti vabirwe mari yavo.

Mukuru anoona nezvekutengeserana nekudyidzana neruzhinji kuBTF, Mai Chido Nyakudya, vanoti nguva zhinji vanosangana nedambudziko guru pakutengesa fodya kwevarimi vanenge vasina kunyoresa avo vanozobatana nevamwe vanenge vakanyoresa nesangano reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB). Murimi wose wefodya anofanirwa kunyoresa neTIMB opihwa nhamba dzinoita kuti azivikanwe semurimi uyewo nekuti acharima fodya yakawanda zvakadii.

Mai Nyakudya vanoti varimi vakauya vaine zvakakwana hazvivatorere nguva yavo yakawanda kuti vatengese fodya asi vaye vanoenda kunotengesa fodya yavo vasina zvakakwana vanogumisira vave kumira mumitsara mirefu vachigadzirisa magwaro avo.

“Vamwe varimi vanouya vakasanganisa mabhero avo patsamba imwe chete, kana mari yabuda voita nguva ndefu vachiedza kupatsanura mari yavo vachigovana. Vamwewo vanogona kunge vakanyoresa neTIMB asi vasina kuvhura mabhuku nemabhanga kwavanofanirwa kutorera mari yavo kana vatengesa fodya, isu tinozonyora pamacheki avo kuti havana akaundi nhamba vogumawo vave kunomira mumitsara yekuvhura bhuku kubhanga,” vanodaro,

Vanoti sekambani vanogara vachipa dzidziso kuvarimi vose kuti vave neruzivo ruzere munyaya dzekurimwa nekutengeswa kwefodya.

Kambani yavo, vanodaro Mai Nyakudya, yave kushandisa nzira dzechizvino-zvino pakutengesa fodya izvo zvinoita kuti varimi varerukirwe.

“Pane nguva inonyoreswa kurima fodya apo varimi vanobhadhara US$10 chete kuchizotiwo mari iyi inozokwira kana varimi vanonoka kunyoresa, zvose izvi imwe nguva varimi vedu vanenge vasingazvizive,” vanodaro.

Zvakadai, TIMB inoti kusvika parizvino varimi vakatengesa fodya inokwana makgs 70,6 miriyoni ichikosha US$200 kubva zvakatanga mwaka wekutengeswa kwechirimwa ichi. Panguva imwe chete iyi gore rakapera, fodya yaiva yatengeswa yaive makgs 49,9 miriyoni yaikosha US$60 miriyoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>