O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/TAMBAWOGA MWANANGU

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
Mutambi mukuru: (Tinoenderera mberi) Pondai anopamba umambo hwaMambo Chakaingesu. Zvinoonekwa paanotama pamba pake achinogara pachisuvi paigarwa nemadzimambo mushure mekunge auraya muridzi weumambo, VaChakaingesu nekutora madzimai avo. Anobva atanga kuzviti Mambo Chikwirandaombera ave kutonga vanhu zvine udzvanyiriri.

Pondai anobva netsori dzehondo kwaMambo Mupambi. Izvi zvinojekeswa paanobva kwaMambo Mupambi naMarizani naKunjerekunjere vaida kunosora dunhu raMambo Chakaingesu ndokuvasiya mugomo raMadetswa raiva pedyo neninga yaivigwa madzimambo ekwaChakaingesu. Ndizvo zvinoita kuti Kunjerekunjere azorumwa nenyoka vava kudzokera kumusha achibva afa.

Pondai anofurira Tafirenyika kuti auraye Karinge. Tinozviona paanomuudza kuti aenda kusango kunovhima nevamwe agouraya Karinge nemuseve, kuitira kuti vabvute umambo hwababa vake. Ndizvo zvinoita kuti Tafirenyika azobvisa Karinge nzeve nemuseve achida kumuuraya.

Pondai anouraya vanhu vaaiona sekuti vaizopikisana neutongi hwake. Izvi zvinoonekwa paanouraya Mambo Chakaingesu ndokutanga kutevera vanhu vose vaaifungira kuti vaizopikisana neutongi hwake achivauraya nemiseve sezvaakaita n’anga yaMambo Chakaingesu yainzi Kandishaya nejinda ravo rainzi Nyahwedekwe.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

TAMBAWOGA MWANANGU

4. Tsanangura zvinhu zvisere zvinoitwa naTambaoga muna Tambaoga Mwanangu zvinojekesa kuti aida baba vake zvakanyanyisa. [25]

Mubvunzo uri kuda zvinhu zvisere (8) zvinoitwa naTambaoga zvinoratidza kuti aidisisa baba vake, VaMupakaviri. Tangai nekunyurura chaanoita chinodudza rudo rwaaive narwo nababa vake mozopa tsigiro. Zvimwe zvinoitwa naTambaoga ndeizvi; anomuka paanonzwa izwi rababa vake ari kuhope, anomuka achienda kwaive nechitunha chababa vake, anoita shungu nemafiro ababa vake, anotakura chitunha chavo achinochiviga muninga, kutya kurwadzisa chitunha chababa vake, kuchengeta bakatwa rakabaiswa baba vake, kuuraya VaZinwamhanga uye kuchema aona baba vake vakabaiwa nebakatwa kumusana.

5. Ndeapi mazano mashanu anoitwa naTambaoga pakuronda mhondi dzakauraya baba vake anoratidza kuti akanga akachenjera zvikuru? Tsigira nezviri murugano Tambaoga Mwanangu uchiratidza kuti zano rega rega rinomubatsira sei. [25]

Munofanira kujekesa nzira shanu (5) dzakatorwa naTambaoga pakutsvaga mhondi dzakaponda baba vake, VaMupakaviri. Tangai nekudoma zano racho motsigira mozoratidza kuti rinomubatsira sei sezviri murungano. Mazano angadomwe; kutevera murume aifushira ropa rababa vake kuninga yekuMaringa (batsiro) – anokasika kufungira vanhu vepedyo kuti vaive vauraya baba vake, kuvanzira vanhu nezverufu rwababa vake – zvinomupa mukana wekuteya vanhu vaaifungira kuti vakauraya baba vake vachiri vakavarairwa, kuzviviga seri kwesasa achitya kuuraiwa nemhondi – zvakaita kuti VaZinwamhanga pavaida kumuuraya mugota make vasvike vachibaya chiumbwa chaakanga aumba panzvimbo yaairara, kutiza pamusangano wakatanga kuitwa pamuzinda achienda nekwaive nevanhu – zvinoita kuti asauraiwe naChigiya naChiroodza vakanga vakutya kuurayawo madzimai nemakurukota aive kurutivi rwaakatiza narwo, kuvanda mumasango aive pedyo nemusha wavo (batsiro) kudzoka achidya chikafu chemanheru nekuziva zvairongwa nemakurukota sezano raVaZinwamhanga naVaMombeshora rekunotora mauto kuChirichoga.

6. Tambaoga nevamwe vatambi vaifarira kushandisa mutauro wekudimikira pakutsvaga mhondi dzakaponda VaMupakaviri. Tsigira mhinduro yako nemitauro yekudimikira mishanu nezvayaireva kubva muna Tambaoga Mwanangu. [25]

Buritsai mitauro yakavanda mishanu (5) yaishandiswa pakutsvaga mhondi dzakaponda VaMupakaviri. Tangai nekudoma mutauro wacho wakavanda mozopa tsigiro nekududza kuti unorevei murungano. Mitauro inogona kudomwa; kutaura nezvemhembwe kunoitwa naTambaoga achiudza VaTakanongwa, Tapiwa naVaMombeshora (achireva) mhondi yakaponda baba vake ndokumutiza kuMaringa; kutaura nezvegonzo kunoitwa naTambaoga achiudza amai vake paapindirwa mugota usiku (aireva) VaZinwamhanga vaairwisana navo; kutaura nezvembeva – VaPfumojena vachiudza VaDambanemhuka nezvemutambo waChigiya naChiroodza (vaireva) kubata mhondi yakauraya mambo; kutaura nezvenhoro – VaPfumojena vachiudza Tambaoga (vachireva) kubata mhondi yakauraya mambo zuva raitevera; kutaura nezvemukoko wenyuchi – VaMombeshora vachiudza makurukota (kureva) zvavakanga vatumwa kunotarisa kuninga kubva nguva yauraiwa mambo naVaZinwamhanga.

. Mhinduro dzemibvunzo iyi dzizere dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

Share This:

Sponsored Links