Oda $300 kuna mugaisi

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Oda $300 kuna mugaisi

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
MURUME anoshanda samugaisi, uyo wekudhonzerwa kumatare nemukadzi wake achida $300 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo, akachema-chema achiti anokwanisa kubvisa $20 chete sezvo zvinhu zvakamuomera.

Rudo Chiteko akakatyamadza ruzhinji rwaive mudare reHarare Civil Court apo akati anoda $300 yekuchengeta mwanaane makore maviri okuberekwa kubva kumurume wake, Joseph Mupezeni.

Chiteko anoti kubva zvakazvarwa mwana wavo, Mupezeni haana chaakamboita kumubatsira pakumuriritira. “Murume uyu akandiramba mwana achangozvarwa. Haana kana sendi raakandipa dakara mwana asvike paave nhasi uno. Ini zvava kundiremera nekuti handishande. Ndinotoita mabasa emawoko akasiyana-siyana kuti nditsvagira mwana zvekudya nezvekupfeka,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Iye ane chigayo chinomupa mari zuva rega-rega asi haakwanisi kupawo mwana wake kana kasusupenzi zvako. Chero mwana akarwara, ndinoita wekukakaritsana naye kuti aburitse mari. Haana mumwe mukadzi kana mwana saka ndinoshaya kuti mari yacho anoiisa kupi.” Anoti mari yaida kubviswa naMupezeni $20 ishoma zvikuru sezvo mwana wavo achiri mudiki uye anoda zvakawanda.

“Mwana haangaregedze kuwana zvaanoda muupenyu nechikonzero chekuti vabereki vakasiyana. Munhu anofanira kuchengeta mwana wake kwete kuramba mukadzi zvese nemwana, zvinhu zvakaomera munhu wese,” anodaro Chiteko.

Mupezeni akaudza dare kuti haana chigayo asi kuti anoshanda samugaisi uye mari iri kudiwa nemudzimai wake haasati amboibata muupenyu hwake.

Anoti zvinhu zvakamuomera uye ane mumwe mwana anoda kuchengetwa.

Mutongi Manasa Mawiiwa akati Mupezeni abvise $60 pamwedzi kutanga kupera kwaKurume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>