orarisa murume wake mu’toilet’

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
orarisa murume wake mu’toilet’ court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MURUME wekugara achirikitwa kurohwa nemudzimai wake akakwetsura mhere mudare achiti anozvambaradzwa pamberi pevana nevamwe vanhu uye pari zvino akatotiza mubhedhuru zvekuti ave kurara muimba yekugezera nokutya.

Job Kambanemoyo akamhan’arira Patience Chawera kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu nekumurova.

“Changamire, mukadzi uyu anondirova uye kundituka kunyangwe pane vana nevamwe vanhu. Ndashungurudzwa nemukadzi uyu.

“Ndaiti ndikanomhan’ara kumapurisa emunharaunda yatinogara vaindiseka vachiti ungarohwe nemukadzi, asi ini ndichitorohwa. Saka ndave kunyara kutaurira vanhu nyaya yangu. Asi nhasi ndazoshinga changamire, ndibatsireiwo,” anodaro Kambanemoyo.

Anoti Chawera mudzimai wake wechipiri uye akamuroora mushure mekunge mukadzi wake wekutanga ashaya.

“Mukadzi wangu wekutanga akashaya tiine vana vana ndichibva ndaroora Chawera uye tine vana vatatu tose.

‘‘Zvinondirwadza kuti mukadzi uyu anoda kundirova vana varipo kuri kuda kundinyadzisa chete. Ini ndiri munhu akanyarara zvino iye ane tsika yekuti ndikabva kubasa, ndave kuda kuzorora ndipo paanotanga mhirizhonga yake,” anodaro.

Anoti haana zororo sezvo achigara achirohwa.

“Ini ndinoshanda sagadhi, iye anotora kana mugoti pandinenge ndirere otanga kundirova tsoka ini ndichida kuzorora.

‘‘Takambonetsana nenyaya yekuchaja nharembozha apo aibvisa yangu isati yazara achiisa yake, ndikamubvunza ndokubva ashevedzera kuti, ‘Wakanganwa zvandinokuita’. Izvo zvakanzwika nevavakidzani vakandinzwira tsitsi,” anodaro Kambanemoyo achibva atanga kusvimha misodzi.

Chawera haana kupikisana nemashoko ekuti anorova murume wake achiti ndiye anenge amudenha, saka achizomuzvambaradza pane vanhu.

“Ndiye anenge anditanga saka ndichizomurova uye iye zvino akatiza mubhedhuru, ave kurara muimba yekugezera. Vanondijairira baba ava nekuti ndiri mwana mudiki kwavari,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Kambenemoyo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links