Pairesi inoda kurongerwa: Chivaviro

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Pairesi inoda kurongerwa: Chivaviro REV TOGAREPI CHIVAVIRO

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
SHASHA yenziyo dzechitendero – Reverend Togarepi Chivaviro – vanoti zvakakosha kuti vaimbi vakasiyana vatsvage dzimwe nzira dzekuti vararame nadzo zvichitevera kukura kuri kuita dambudziko rekutengeswa kwemhanzi yavo pamisika yemikoto kuburikidza nepairesi.

Rev Chivaviro vakataura mashoko aya nguva yadarika muguta reHarare mushure mekuparura zviri pamutemo dambarefu ravo idzva rinonzi Maranatha.

“Tikatarisa pasi rose zvinhu zvizhinji zvava kufambirana nechizvino-zvino uye kutengesa nziyo padandemutande ndiko kwava kuunza mari kuvaimbi vazhinji.

“Veruzhinji vava kunyanya kuteerera nziyo pamafoni avo kudarika pamaredhiyo nepamaTV. Zvakadaro, zvakakosha kuti vaimbi tizvionere dambudziko iri nekurigadzirisa kupfurikidza nekutengesa nziyo dzedu padandemutande. Kuitawo mashoo ndiyo imwe yenzira dzekuti muimbi anokohwa zvaakashandira nekuti kutengesa nziyo dzedu pamaCD hakuna zvakuri kutipa nenyaya yevanhu vari kuita zvepairesi.

“Sevaimbiwo zvakare tinofanira kudzidzisa vateereri vedu kuti vatenge maCD edu chaiwo pane anogadzirwa mumigwagwa ayo anenge aine mitengo yakaderera asi asina kusimba. Dzidziso muvanhu inobatsira,” vanodaro.

Padambarafu idzva iri, Reverend Chivaviro vanoti pane nziyo dzakabikwa nemazvo idzo vane chokwadi chekuti dzichafadza vatsigiri vavo.

“Padambarefu idzva iri pane kambo Maranatha ako kandakabuditsa mushure mekunge vatsigiri vati vanoda kamwe kambo kemubatanidzwa sezvatakamboita pana Ebenezer. Kambo aka ndakaimba nevaimbi venziyo dzechitendero vakati wandei,  kanotaura nezvehuMwari hwaMwari kuti havasanduke chero takaomerwa nezvinhu kana kuti chero zvakapfava vanoramba vari ivo havasanduke zuro, nhasi namangwana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Pane kamwe kambo zvakare kanonzi Tariro Yangu kanodzidzisa vanhu kuvimba naMwari. Nziyo dzepadambarefu redu rese dzine dingindira rekukosha kwaMwari.

“Dambarefu iri ndinovimba kuti ndiro rakadarika mamwe  ese nekuti takatora nguva kurigadzira tikaita dzokororo yakasimba kuti ribude zvakanaka.

“Takasanganisa misambo kuitira kuti tikwezve vatsigiri vakasiyana- siyana. Takaisa musambo wemuseve  bhosvo riripowo zvakare nemimwewo ipapo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>