Pastor Terrence onoridza kuZambia

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Pastor Terrence onoridza kuZambia Pastor Terrence

Kwayedza

Pastor Terrence

Pastor Terrence

TERRENCE Guba, uyo anonyanya kuzivikanwa saPastor Terrence musambo wechitendero, anoti nyenyedzi chena iri kuramba ichipenya muhupenyu hwake zvichitevera kudanwa kwaakaitwa kuti anoridza kunyika yeZambia mwedzi unotevera.Muimbi uyu, uyo anogara kuKadoma, vazhinji vanomuziva nenziyo dzenhabvu dzaakamboimba achirumbidza Moses Chunga pamwe nechikwata chenhabvu chemadzimai chemaMighty Warriors.

KuZambia anoti achanoridza kukereke yeChrist Connect Church akabatana nevaimbi vekunyika iyi.

Muhurukuro neKwayedza, Pastor Terrence anoti haasi kugona nekufara nekuwaniswa mukana uyu wekunoridza kuZambia sezvo zviri kubatsira kuti mhanzi yake iite mukurumbira muAfrica.

Nguva pfupi yadarika, Pastor Terrence akanoridza kuMessina, kuSouth Africa akabatana nevaimbi veko.

“Zvinhu zvinofadza kuona mhanzi yako ichifarirwa kune dzimwe nyika. Zvinorakidza kuti unenge uchishanda nesimba uye ini hangu ndinonzwa manyukunyuku ndakazvitarira.

“KuZambia vachazviona vega kuti muZimbabwe tine chipo chekuimba,” anodaro.

Muimbi uyu ane madambarefu ake maviri anoti Tinotenda naMakanaka.

“Muna Chikunguru gore rino ndipo pandinotarisira kuita shoo yangu yekutanga muZimbabwe huru iyo ndine idi rekuti ichandibatsira kundisimudzira,” anodaro Pastor Terrence.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>