‘Rimai zvirimwa zvemuchirimo’

23 Apr, 2015 - 15:04 0 Views
‘Rimai zvirimwa zvemuchirimo’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vanokurudzirwa kushandisa mukana wemvura iri kunaya kuti varime mbesa dzemumwaka wechirimo idzo dzinosanganisira gorosi nezvimwewo sezvo ivhu remuminda yavo richatora nguva refu rakanyorova.     Kurudziro iyi yakaitwa naVaPaul Zakariya avo vanove executive director wesangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) zvichitevera kunaya kuri kuita mvura zhinji kwemasvondo matatu adarika.

VaZakariya vanoti zvisinei nekuti kusanaya kwemvura zvakakwana kumavambo emwaka wezhizha kwakakonzera kutsva kwezvirimwa zvakawanda, mvura iri kunaya iyi inobatsira zvikuru varimi kuti vange vachirima mbesa dzemuchirimo.

“Gadziriro dzemwaka wegorosi dzava padanho repamusoro zvikuru nekudaro tinokurudzira varimi kuti vashandise mukana wemvura iyi kurima minda yavo nekudyara mbesa dzavo,” vakadaro.

Vanoti varimi kana vakarima minda yavo nehunyoro huriko uhwu zvirimwa zvavo zvinokwanisa kusvitsa mwedzi nechidimbu ivhu rakanyorova.

Vakakurudzira varimi kuti vashande nevarimisi vavo mukupangwa mazano emashandisiro avangaite mukana wemvura iri kunaya iyi. “Ichokwadi kuti zvimwe zvirimwa zvedu zvakatsva kusvika pekupedzisira saka tinoti kunze kwekurima gorosi, ngatishandiseiwo mapindu edu zvizere nekuda kwemvura yakazara mumatsime edu iyi,” vakadaro.

VaZakariya vanoti zvakakosha kuti varimi vadyare zvirimwa zvemuchando senzira yekurwisana nekushomeka kwekudya uko kwakakonzerwa nekusanaya kwemvura zvakanaka.

“Tine nyaya yekuwunda minda munguva yechirimo kwatinoti kurima kwematsutso, uyu ndiwo mukana mukuru wekuzviita izvi  apo varimi vanofushira uswa pasi nemashanga kuitira kuti ivhu rigochengetedza hunyoro,” vakadaro.

Zvakadaro, VaZakariya vakakurudzirawo varimi kuti vagare vaine ruzivo rwemamiriro ekunze kubva kubazi reDepartment of Meteorological Services nedonzvo rekuchengetedza zvirimwa zvavo kuitira kuti zvisarohwe nechando.

Vanoti varimi vane minda yakakomberedzwa nehuswa vanokwanisa kuhucheka vachiisa mumatanga emombe dzvavo kana kugadzirisa manyowa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>