‘Rimai zvirimwa zvidiki’

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
‘Rimai  zvirimwa zvidiki’

Kwayedza

SANGANO reCluster Agricultural Development Services (CADS), rakabatana nereAfrican Deli Foods, rokurudzira varimi kurima zvirimwa zvidiki zvakaita semhunga nemapfunde sezvo zvichishingirira muzuva uyewo nekusimudzira nyaya dzeutano kune veruzhinji.

Muzvare Valeria Nkhungwa (23) anove Nutritionists and Marketing Officer kumasangano maviri aya anoti varimi vazhinji havachina chido chekurima zvirimwa zvidiki.

Akataura mashoko aya kuKwayedza nguva yadarika pachirogwa chekucherechedza kukosha kweutano kuburikidza nekuyamwisa vana zvizere icho chakaitwa munaFirst Street muHarare nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana,

“Kare zvirimwa zvidiki zvakadai semhunga, mapfunde, zviyo, manhanga, munyemba, munyevhe, mutsine, muboora nezvimwe zvakawanda zvairimwa zvichidyiwa nevanhu zuva nezuva asi iko zvino vanhu vave kungozvionera kumahotera nedzimwe nzvimbo dzekudyira,” akadaro.

“Kudya uku kunovaka muviri, kunofanira kunge kuchitobikwa mudzimba nguva nenguva asi nekuda kwekuti zvirimwa izvi zviri kuita zvishoma kuminda zvave kudhura,” akadaro.

Anoti masangano avo anoshanda nevarimi kuburikidza nekuvakurudzira kuti varime vasingashandise fetereza asi manyowa chete.

“Varimi vedu vanoshandisa manyowa bedzi nekuti takaona kuti imwe fetereza inokanganisa zvirimwa zvedu. Manyowa ari nyore kuwana apo mashizha emiti kana ndove yezvipfuyo inoshandiswa pachinzvimbo chefetereza inoita kuti zvimwe zvirimwa zvinge zvichisanduka munakiro,” akadaro.

Akakurudzira varimi kuti varime zvirimwa zvidiki izvi zvakawanda kuitira kurwisa nyaya yenzara nehurombo munyika.

“Zvirimwa zvidiki kudya kwakanakira mhuri kubvira kunana amai vakazvitakura kusvika pavanenge vachiyamwisa uye zvinobatsira mukurwisa zvirwere zvakadai seshuga kana BP nekuti hazvina mafuta akawanda kana tichienzanisa nenyama uye machipisi anogarotengwa nevanhu, zvikuru mumaguta,” akadaro.

Muzvare Nkhungwa anoti African DelI Foods ikambani yakazvimiririra inobatsira varimi mukugaya uye kuisa mumagaba zvirimwa zvavo pamwe nekuvatsvakira misika inovapa mari ine pundutso.

“Kana varimi vakawaniswa midziyo nezvekushandisa zvakakwana tinoona bhizimusi iri richisimukira. Zvakare kana zvirimwa izvi zvichinge zvawanda uye vemakambani anotenga vakange vaine michina nezvigayo zvakawanda mitengo yekudya kwemhando iyi inowanikwa ichiderera,” akadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>