Seed Co yopemberera makore 75

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Seed Co yopemberera makore 75 Muzvare Marjorie Mutemererwa vachibatsirwa kudiridza mumwe wemiti yakadyara paSt Marnocks Primary nevana vepachikoro ichi kuStapleford svondo rapera pamberi.

Kwayedza

Cassius Mushore
KAMBANI ine mukurumbira wekuuchika mbeu munyika muno yeSeed Co svondo rapera pamberi yakapemberera kusvitsa makore 75 yavambwa kuburikidza nekudyara miti pazvikoro zveMarnocks Primary nesekondari kuStapleford padyo neguta reHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukushi wemashoko kukambani iyi, Muzvare Marjorie Mutemererwa vakati miti yakakosha zvikuru muupenyu hwevanhu nekudaro inofanira kudyarwa pamwe nekuchengetedzwa.

“Kudyara miti kwatiri kuita nhasi uno pazvikoro zveSt.

Marnocks chimwe chezvirongwa zvatiri kuita mukupemberera kusvitsa kwekambani yedu makore 75 yavambwa.

Nguva yadarika takapawo mabhini ekuisa marara kukanzuru yeHarare pamwe nemakombiyuta kuchikamu chinoona nezvemamiriro ekunze,” vakadaro.

“Miti ndiyo inoita kuti vanhu vawane mweya wekufema wakanaka asi vanhu vakatadza kukoshesa miti vachingotema-tema pavadira panozova neshanduko yemamiriro ekunze izvo zvinokonzera matambudziko anoti kupisa kwakanyanya kwezuva nekushaikwa kwemvura.”

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru weSt Marnocks Primary, VaSolomon Mandizvidza, vakatenda Seed Co nebasa guru rairi kuita mukuchengetedza nharaunda.

“Tinoda kuvatenda zvikuru nemiti yavatipa, tinovavimbisa kuti tichaichengetedza kuti ikure zvakanaka nekuti mumiti ndimo munobva mweya wekufema unova wakatikoshera,” vakadaro.

Vakati chishuwo chavo kuti kambani iyi icharamba ichitsigira chirongwa chekudyarwa kwemiti pamwe nekupa dzidziso kune veruzhinji, zvikuru vechidiki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>