‘Siyana neni, ndava nemumwe’

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gabriel Singano
MUKADZI wekuti ari kushungurudzwa neaimbova murume wake achityisidzirwa parunhare akazopotera kudare achiti anofanira kusiyana naye sezvo ave neupenyu hutsva nemumwe murume.

Memory Jongwe akamhan’arira Tedius Chaibva kuHarare Civil Court achiti: “Chikumbiro changu ndechekuti dai murume uyu arega kundiudza mashoko ekundityisidzira panhare nekuti murume wandava naye haazvide uye anotozofunga kuti ndine pfungwa dzekudzokerana naye. Ini ndatove nehumwe upenyu nemurume mutsva saka Chaibva ngaarege kundifonera. Murume uyu akandishungurudza zvakatokwana, ndave neupenyu hutsva.”

Chaibva akaudza dare kuti haasisinei neupenyu hutsva hwaJongwe asi kuti anovavarira kuti mwana wavakaita vose asachengetwe nemumwe murume iye ari mupenyu.

“Changamire, ini ndakapedzisira kufonera mukadzi uyu kare asati ava nemumwe murume uye ndaitodawo kuti tinzwisisane panyaya yemwana watakaita tose. Vavariro yangu ndeyekuti Jongwe andipe hangu mwana wangu nekuti haangachengetwe nemumwe murume ini ndiripo. Iko zvino ndakatonzwa kuti mwana uyu ava kugara naamai vemukadzi uyu. Ko ngaangondipa

mwana wangu,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Jongwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>