Sugar beans: Gwenzi remari

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Sugar beans: Gwenzi remari

Kwayedza

Phillip Matombo

TINOKUKWAZISAI nomufaro varimi. Tasanganazve pachirongwa chinodzidzisa zvekurima. Muchinyorwa chino tichatarisa chimwe chezvirimwa chinopa varimi pundutso, chinova  sugar beans.Sugar beans chirimwa chinopa pundutso pamari shoma yaunoisa pahekita. Pamari inoita $1 yaunoisa mumunda, unokwanisa kuwana $3 kusvika pa$4 ndokunge waita zvinodiwa pakurima.

Apa takatarisa varimi vane madiridziro, magadheni, mapurazi madiki nemakuru uye vari mumaguta chaimo. Semurimi, kana wafunga kurima sugar beans chiritora sebhizimisi wotenga zvose zvinodiwa wodyara nemazvo uye nenguwa kuitira kuti mari yawaisa idzoke igobereka imwe yakawanda kuitira kuti kurima kogotapira nekuenderera mberi.

Sugar beans chirimwa kana kuti igwenzi rinorimwa mumhando dzevhu dzakawanda, ringave gobvu kana shapa. Rinoda kuvava kwevhu (pH) kunosvika pa5.2-5.7.

NGUVA YEKUDYARA:

Sugar beans inodyarwa muZhizha kana muchando. Muchando ndimo munowanzobuda goho rakakura nekuti zvirwere nezvimbuyu zvinenge zviri zvishoma. Chirimwa chesugar beans hachidi chando chiya chinonaya (frost), saka tinokurudzira varimi vadyare munguva iyo chando chinonaya chinenge chapera.

Kumatunhu ari kuLowveld uko kusinganyanyi kuita chando chekunaya, varimi vanokurudzirwa kudyara chero nguva asi vari kuHighveld vanofanira kudyara chando chinonaya chaenda, kunyanya kupera kwaChikunguru uye panotanga Nayamavhuvhu. Izvi tinozviitira kunzvengesa chirimwa chedu kubva kuchando chinonaya.

Chando chinonaya chinokonzera kusvodza kwemaruva uye chinokwanisa kupisa gwenzi rechirimwa, kunyanya richiri pamuzera mudiki.

MHANDO DZEMBEU:

Chekutanga sarudzai mbeu yakauchikwa, inopa goho guru uye inotivirira zvirwere. KuSeed Co tine mbeu mbiri dzakanaka dziri kuchemerwa kumisika dzinoti mhando yemavara (speckled). Mbeu yekutanga yakauchikwa inonzi Sc Bounty, iyo inopa goho rinodarika matani maviri pahekita (2t/ha) ndokunge ukairima nemazvo uye nenguva. Inotora mazuva 85-115 kuti ikohweke zvichienderana nekwawairimira.

Mhando iyi inotivirira zvirwere zvakawanda zvinobata sugar beans. Sc Bounty inonaka pakubikwa semuriwo uye pakudya kwemangwanani. Yakanakirazve kuti inokurumidza kuibva pakubika.

Sc Sharp  imbeu ichangoburwa zvekuti pamusika yava kutowanika. Mbeu iyi ine goho guru rinopfuura 2t/ha. Inotora mazuva 80-100 kuti mutange kuikohwa uye inotivirira kuzvirwere zvakawanda.

KUGADZIRIRA MUNDA:

Sugar beans inoda kurimwa pakadzika 25-30cm kuitira kuti midzi yechirimwa chedu idzike zvakanaka uye ikwanise kutora chikafu nemvura muvhu. Shandisai magejo, mopinza madisc harrow mozoisa roller kuitira kupwanya mavhinga ose. Sugar beans chirimwa chinoda ivhu rakatsetseka, rakarimwa zvakanaka.

Tinokurudzira varimi muongororese ivhu renyu kuitira kuti muzive kutapira kana kuvava kwaro. Kana pachidiwa kuiswa lime moiisa musati madyara nekuti inoda kurimirwa pasi.

Zvakare, fotereza yepasi inoda kurimirwa pasi kana taimwaya nemawoko kana nemichina.

KUDYARA NEHUWANDU HWEMBEU:

Sugar beans inodyarwa nehudzamu hunosvika  pa3-4cm. Tinotaramutsa sezvizvi: Kubva pamutsara kuenda pane mumwe (inter-row) 45-50cm uye kubva pagwenzi kusvika pane rimwe (in-row) 5-7cm. Pakupera kwezuva tinoda huwandu hunosvika pa300-350 000 makwenzi pahekita imwe chete. Kuti tibate huwandu uhwu tinoisa 100kg dzembeu pahekita imwe chete.

FOTOREZA NECHIKAFU MUVHU:

Ngatiisei fotereza mumutsara tichitarisira kuisa fotereza yepasi inosvika pa200-300kgs pahekita. Fotereza yepasi tinokwanisa kushandisa Compound D.

Fotereza yepamusoro yakakosha sezvo ichigadzira mashizha inova ndiyo fakitori inogadzirwa beans. Tinokurudzira muise fotereza ine mwero we100-150kg pahekita.

Musaise fotereza yepamusoro yakawanda nekuti inokudza mashizha maruva achiita mashoma (rank growth). Shandisai fotereza yepamusoro Urea kana Ammonium Nitrate.

Nguva yekuisa fotereza yapamusoro yakakosha zvikuru. Tinokurudzira muise kana maruva asati abuda. Kune vamwe vanoisa kwapera masvondo maviri beans dzamera zvichivaitira zvakanaka.

KUDIRIDZIRA:

Nemhaka yekuti muchando hatiwani mvura yekunaya, tinokurudzira varimi vadiridzire sugar beans kuti muwane goho rakakura.

Gadzirirai madiridziro enyu muone kuti haasi kurasa mvura uye zvekupfapfaidza zviri kushanda zvakanaka. Munokwanisa kudiridza nezvekupfapfaidza (sprinklers), mapivot, drip uye kudiridza kwemafashamu (flood irrigation).

Sugar beans hadzidi mvura yakawandisa nekuti zvinokwanisa kuparadzira zvirwere goho roderera. Saka tokurudzira muise mvura kana ivhu redu rava kuratidza kuomerwa. Ngwarirai kukanganisa maruva kana modiridza.

MUBVUNZO:

1. Tipe mhando imwe chete yembeu yebeans yakauchikwa neSeed Co.

2. Tinotarisira madzinde mangani esugar beans pahekita imwe kuti tiwane goho rakanaka?

 

. Tumirai mhinduro pa: 0772 413 184 kana 0731 413 184.

 

ZVIRWERE, TUMBUYU NESORA:

Tinokurudzira mutenge mbeu yakauchikwa navanamazvikokota. Isai mushonga pambeu iyoyi monyatsosanganisa kuitira kudzivirira zvirwere netwumbuyu.

Makonye anodya beans dzamera anoda kufiritwa nemishaonga yemapesticides. Musugar beans pane chimbuyu chakakosha chinonzi bean stem maggot chinoparadza chirimwa uye goho rinoderera. Firitai nemushonga unowanzoshandiswa nevarimi unonzi Diazinon unoiswa kwapera mazuva matatu, matanhatu, mapfumbamwe uye makumi maviri kubva beans dzamera.

Ngwarirari chimbuyu ichi! White fly ndicho chimwe chimbuyu chinokanganisa sugar beans, tinokurudzira mupinde nemishonga kuuraya chimbuyu ichi nekuti chinokanganisa maruva, goho roderera.

Masora anokwikwidzana zvakanyanya nechirimwa uye anochengeta zvirwere netwumbuyu mumunda. Saka varimi firitai nemishonga yesora yemashizha akapamhamha neehuswa kuitira minda yebeans igare isina masora kwemasvondo anokwana gumi nematatu. Shandisai mishonga inoshanda kubata mhodzi dzemasora chirimwa chisati chabuda (pre-emergent herbicides) uye inoshanda chirimwa nemasora zvabuda (post-emergent herbicides). Batai vemishonga munzwe zvizere maringe nemishonga yamungashandisa.

Tinokukurudzirai kuti muverenge zvakanyorwa pamishonga muzive mashandisirwo ayo.

KUTENGESA:

Misika iriko ine chitsama yesugar beans inosanganisira zvikoro zveboarding, majere, kumusika weMbare, vemaindasitiri nevezvitoro. Tangai kutsvaga misika chirimwa chichiri mumunda mugare maziva mitengo uye nevanotenga zvakanaka. Paongororo yatakaita, sugar beans iri kutengwa nemari inopfuura $1 200 patani imwe chete. Izvi zvinoreva kuti pahekita imwe unogona kuwana $2 400 iwe washandisa $600-$800/ha zvichireva kuti unogona kuisa mari inopfuura $1 800 muhomwe seprofit pahekita imwe chete. Saka varimi, sugar beans igwenzi remari!

 

MUBVUNZO:

1. Tipe mhando imwe chete yembeu yebeans yakauchikwa neSeed Co.

2. Tinotarisira madzinde mangani esugar beans pahekita imwe kuti tiwane goho rakanaka?

 

. Tumirai mhinduro pa: 0772 413 184 kana 0731 413 184.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>