‘Torai kurima sebhizimisi’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
‘Torai kurima sebhizimisi’

Kwayedza

SANGANO reWorld Vision Zimbabwe rinokurudzira varimi kuti vatore basa ravo sebhizimisi kuburikidza nekurivandudza nekuita zvakasiyana sekuchengeta zvipfuyo vachitengesa.

Vachitaura kuChigango Ward 33 iri kuMukumbura, kuMt Darwin, svondo rapera pamusha pemumwe murimi akabatsirwa neWorld Vision kukodza mombe yake, VaElias Dodo vanova operations manager (nothern programmes) kusangano iri vakati donzvo ravo ndere kusimudzira varimi.

VaDodo vanoti sangano ravo rakabatsira murimi uyu, VaTichaona Mutanika, kukodza mombe yavo senzira yekukurudzira vamwe varimi kuti vapinde muchirongwa ichi.

“Sangano redu rine hurongwa hwekubatana nevanhu vemunharaunda dzakasiyana mukuita mabhindauko akanangana nekudzivirira nzara uye anoita kuti kana kukaita nzara varimi vawane chekubata. Zvirongwa zvedu izvi zvakananganawo nekudzidzisa varimi kuti vatore kurima sebhizimusi kwete senzira yekuwana chekudya chete. Izvi zvinobatsirawo varimi pakuti vanenge vava kukwanisa kuendesa vana kuzvikoro,” vanodaro VaDodo.

Vanoti varimi vazhinji vekumaruwa havasati vava kutora kurima sebhizimisi uye vamwe vanochengeta zvipfuyo vasingazvitengese rinove dambudziko rinogona kuita kuti kukaita nzara vazotadza kusunza zvakanaka. Vanoti kukodza mombe kwakakoshera pakuti kukora kunenge kwaitawo mombe ndiko kukwira kunenge kuchiitawo mutengo wayo.

“Mombe inenge ichiita kana $400 isati yakodzwa ikazokodzwa zvichienderana nekukura kwayo inogona kudaidzira mari inosvika $1 200 zvichienda mberi. Chikafu chekukodza mombe hachinyanyodhura zvekuti kuchitenga chese kusvika mombe yakora zvinongoda mari inoita $120 pamombe imwe chete.

“Murimi anogona kukodza mombe dzake shanu kana kudarika zvichienderana nekuti ane pekudzichengetera pakanaka here uye huwandu hwechikafu. Kana mombe ichikodzwa haifambi fambi, inenge ichidya iri panzvimbo imwe chete,” vanodaro.

VaEnias Makota, vanova animal health inspector kudunhu reMt Darwin, vanoti chirongwa chekukodza mombe chakakosha zvikuru.

“Mombe yanga yajaira kufura sora kana murimi ava kuda kuikodza anofanira kushandisa chikafu chacho nemazvo. Mombe haifaniri kuti musi wekutanga kuipa chikafu ichi obva aipa chakawandisa kamwe chete. Inofanira kupihwa zvishoma nezvishoma ichiita ichijairira nekuti ikawanzirwa chikafu kamwe chete inogona kufa. Ndipo varimi vanozoti mombe yangu yakapihwa chikafu chisiricho kana kuti chine zvinouraya mukati,” vanodaro.

Zvakadaro, sangano reWorld Vision Zimbabwe rakavaka rimwe danga rekupfuyira mombe kuKatarira kuWard 2, kuMt Darwin.

Danga iri rinokwanisa kuchengeterwa mombe makumi masere uye rinoshandiswa nevemunharaunda.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>