Tsotsi dzvi richiba zvipikiri

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Tsotsi dzvi  richiba zvipikiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MURUME wekwaSeke akanyara mudare zvekushaya pekupinda apo akakonwa nemhosva yekuba zvipikiri nemabhaudhi izvo zvakange zvakabatiswa mapuranga edenga remba yaiturikwa kuRiverside Park, kuChitungwiza.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Oliver Mudzongachiso, akatemera Stewart Bhasikiti (24) — wemubhuku rekwaChitsvatsva, kwaSeke — chirango chekubhadhara faindi ye$20 uye kukundikana kwake anozogara mujeri kwemazuva makumi maviri.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti masikati emusi wa4 Kubvumbi gore rino, mumhan’ari Munyaradzi Run’anga (34) akange ari pamba pake panhamba 22734 kuRiverside.

Run’anga akazosimuka achienda kuchimbuzi ndokudzoka achiona Bhasikiti nemumwe wake — uyo asina kudomwa zita rake mudare — vari mushishi kubvisa zvipikiri nemabhaudhi zvaive zvakabatiswa mapuranga edenga remba.

Akabva aidaidzira kune veruzhinji vanove vakamubatsira kutandanisa vaviri ava apo vakange vave kutiza. Bhasikiti akabatwa asi mumwe wake ndokupunyuka. Zvavakaba — mabhaudhi nezvipikiri — zvinokosha $20 uye zvakawanikwa zvose.

Pakumira kwaakaita mudare, Bhasikiti akaedza kunzvenga mhosva yaaipomerwa asi zvakakona.

“Mhosva iyi ndinoiramba nekuti pazuva iri ndakange ndiina mukoma wangu anova akange anditaurira kuti ane basa raakange achiita pamba apa rekugadzirisa denga remba.

‘‘Saka akange andideedza kuti ndinomubatsira,” anodaro.

Zvisinei, dare rakabata muchinda uyu nemhosva yekuba nekuda kweumboo hwaivepo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>