Vaimbove vashandi voda minda

24 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Vaimbove vashandi  voda minda MAI Emma Katuka vaiva mumunda wavo wemufarinya apo murume wavo, VaLawrence Katuka, vaichera chirimwa ichi kuti vazotengesera ruzhinji.

Kwayedza

VAMWE vevaimbova vashandi vepamugodhi wakavhara weShackleton kuChinhoyi vanosvika 2 000 vochemerawo kupihwa minda sezvo vasisina kwekushanda kuti vawane raramo.
Mashoko aya akataurwa naVaMoffat Munyaradzi (68) vanova kanzura wenzvimbo iyi muward 15. “Dambudziko redu kuno ndere kuti vanhu vose vagere muno mukomboni yeShackleton havasisina mabasa zvichitevera kuvhara kwakaita mugodhi uyu saka kusanganisira ini ndigere navo tinodawo minda muno yekuti tirime tigokwanisa kuriritira mhuri dzedu,” vakadaro VaMunyaradzi.

Vakati mugodhi uyu waiva nevashandi vakawanda avo vakaburitswa mabasa vane mhuri nehama dzavainadzo munzvimbo iyi vasisina zvekurarama nazvo uye vamwe vacho havana kumbobvira vakavaka misha.

“Takatarisa vaive vashandi ava nemhuri dzavo, tine vanhu vanodarika 2 000 avo vari kuda minda yekurima muno inova nzira chete yekuti vanhu ava vakwanise kurarama,” vakadaro.

Vanoti nzvimbo yavo yakakomberedzwa nemapurazi akawanda zvikuru ari kudivi reChinhoyi, Makonde, Karoi, Lion’s Den neMhangura uko  vanogona kuwaniswa minda yekurima.

VaMunyaradzi vanoti kubvira makore adarika pakatanga chirongwa chehurumende chekugoverwa kweivhu kuruzhinji havana kumbowana mukana izvo zvakavadzosera kumashure zvikuru.

“Tine dhamu reShackleton muno rinongova chinhambwe chemakiromita gumi nemashanu kubva pamisha yedu saka tinodawo kuti tikawaniswa minda mvura iyi toishandisa mukudiridzira mbesa dzedu,” vakadaro.

Vanoti ivo sakanzura vakaendesa chichemo chavo kuhurumende kuburikidza nekunyora tsamba uye vakamirira kupindurwa kuti dambudziko ravo ringagadziriswe sei.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>