Varimi vemhiripiri voruka mari kuGokwe

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
Varimi  vemhiripiri voruka mari kuGokwe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VARIMI vanosvika 1 000 vekuGokwe, kudunhu reMidlands vopunduka kuburikidza nekurima mhiripiri iyo vanotengesa kukambani yakazvimirira.

Varimi ava vari kurima mhiripiri yemhando yeAfrican Eye Bird vachizoitengesa kuBetter Agriculture Company iyo inozotengesawo kune mamwe makambani anoita zvekubika pamwe nekunze kwenyika.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira vamwe vevarimi ava kwaShe Nemangwe ndokuwana vari mushishi kusarudza mhiripiri yavo panzvimbo yeMutimutema Shopping Centre.

“Ini ndakarima zvirimwa zvemhiripiri zvinosvika 600 uye ndiri kutarisira mari yakanaka chose nekuti ndakawana mhiripiri yemhando yepamusoro.

“Kurima mhiripiri kuri nyore zvikuru kana tichienzanisa nezvimwe zvirimwa sezvo kusingadi fetereza yakawanda.

“Murimi anogona kushandisa manyowa emombe kana ehuku uye fetereza yemhando yeCompound C neAmmonium Nitrate asi inoda mvura yakawanda nokudaro ndipo panouya kukosha kwenyaya dzemadiridziro,” vanodaro VaNicholas Baro (54) vekwaSabhku Baro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaNgoni Bvebve (42) vekwaSabhuku Chaparadza vachiti vachiri vatsva mukurima mhiripiri asi vanofara zvikuru nekuti chirimwa ichi chine mari zhinji kupinda donje.

“Muno muGokwe mune varimi vakawanda vedonje, vari kuri tengesa ne$0,55c pakg asi mhiripiri yedu iri kutengwa ne$2,89 pakg. Pamadzinde 420 andakarima, ndiri kutarisira kuwana mari inodarika $3 000.

“Saka ndicharamba ndichirima mhiripiri nekuti hainetsi kurima kunyangwe uine kamunda kadiki. Pamusoro pazvo, mbeu yemhiripiri inoramba iri mubindu kwemakore mazhinji nekuti haidyiwi nemombe,” vanodaro.

VaConias Barwe (56) vanotiwo vakarima hekita imwe chete yemhiripiri uye vari kutarisira kuwana mari inodarika $5 000 kana ichinge yasarudzwa zvakanaka.

Mai Getrude Muzuka (65) vanoti vakakwanisa kuvaka imba ine makamuri matatu vakapedza kuburikidza nekurima mhiripiri.

“Ini ndine mufaro mukuru nekuuya kwakaita chirimwa chemhiripiri mudunhu rino nekuti ndakakwanisa kuwana mari yekuvaka musha wangu ndikapedza makamuri matatu ese mazihombe. Ndicharamba ndichirima mhiripiri nekuti ine mari kupinda donje ratairima rinova rine basa rakawanda uye riine mari yepasi,” vanodaro.

Zvakadai, VaEdward Mhlabeni (42) avo vanoshanda kuBetter Agriculture saGrader wemhiripiri vanoti vakasarudza varimi vanosvika 1 000 vemuGokwe vavanopa mbeu nezvikwereti vachizobhadhara apo vanotengesa mhiripiri yavo kukambani iyi.

“Tinosarudza mhiripiri iyi muzvikamu zviviri zvinoti Grade A neGrade B.

“Grade A ndiyo ine mhiripiri yakanaka zvikuru iyo tinotengesa kumakambani anoita zvekubika zvakasiyana vachibikisa chikafu chakadai senyama kana kugadzira chilli inova mhiripiri inovavira zviri pakati nepakati ichinakira makasitoma mazhinji kana ichinge yarungwa munyama.

“Tine Grade B iyo inenge ichinyanya kuvava tinoitengesera makambani anogadzira zvinokachidza zvakadai sehutsi hwe’tear gas’ nemimwe mishonga,” vanodaro.

Vanoti chirimwa chemhiripiri chinotora mwedzi mitatu bedzi kuti chinge chichikura kusvika panguva yekukohwa uye zhinji yacho vanoitengesa kunyika dzinosanganira South Africa, India neGermany.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>