Varimi vokurudzirwa kushandisa manyowa emupfudze

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Varimi vokurudzirwa kushandisa manyowa emupfudze

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe Farmers Union rakakurudzira varimi kuti vashandise manyowa emupfudze muzvirimwa zvavo kunze kwekungoramba vachishandisa fetereza nedonzvo rekusimbisa ivhu ravo sezvo zvichivapawo goho guru. Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wechipiri wemutungamiriri weZFU, VaBerean Mukwende, panguva iyo varimi vari kuita gadziriro yemwaka wezhizha waswedera uyu.

Vanoti zvakakosha kuti kunze kwefetereza varimi vashandisewo mupfudze wakaita sewemombe, embudzi, makwai, madororo ehuku, murakwani wemusango kana ivhu repachuru mukusimbisa ivhu ravo.

“Tinoziva kuti mari iri kunetsa munhu wose kunyanya takatarisana nechikamu chemabasa ekurima nekudaro varimi vedu ngavashandise mhando yemupfudze watinowana kubva kuzvipfuyo zvedu mukudyarisa mbesa dzavo. Manyowa aya anoita kuti zvirimwa zvikurumidze kukura,”vakadaro VaMukwende.

Vanoti manyowa anoshanda zvekutodarika fetereza yepasi kunyangwe zvazvo vamwe varimi vachiatarisira pasi.
“Kana murimi aimbotenga masaga makumi maviri efetereza achiti epasi gumi neepamusoro gumi zvinenge zvave kureva kuti anenge ochengetedza mari ave kutenga yepamusoro chete,” vakadaro.

Vanoti manyowa anonyanyoshanda zvakanaka muminda yematoro nemimwe inowanda mvura.
Zvakadaro, VaMukwende vakayambirawo kuti basa rose iri rinofanirwa kuitwa paine kubatsirwa nevarimisi nedzimwe nyanzvi dzezvekurima sezvo kune imwe mhando yemupfudze isingade kuwanzwa zvinoguma zvave kupisa zvirimwa kana mvura ikazoita shoma.

“Mipfudze mizhinji inoita zvekukandwa mugomba umo munoiswawo tsanga dzezvirimwa kana varimi vachidyara asi hazvidi kuti manyowa aya awanzwe,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>