Vavakidzani vopumhana huroyi

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Vavakidzani  vopumhana  huroyi court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
YAKAVE batai batai mudare redzimhosva apo vavakidzani vakaudzana makobvu nematete mushure mekupumhana huroyi. Gloria Ziwerekete akadhonzera Margaret Mutambo kuHarare Civil Court achiti ari kumupumha huroyi pamwe nekumutsvagira gen’a rekuti rimurove.

“Changamire, ndauyawo naamai ava muvakidzani wangu asi hatisisina mufaro mukugara kwedu. Vanonditi ndiri muroyi asi ini handizive kuti ndakavaroya papi?” anodaro Ziwerekete.

Anoti Mutambo anomutsvagira gen’a kuti rimutuke nekumutyisidzira.

“Amai ava vanonditsvagira gen’a rinondityisidzira vachiti ndichazviona. Vakaenda kuDomboshava kumusha kwavo vakanyepa kunasabhuku kuti ndini ndiri kuvati muroyi apo vakanga vave kusandura nyaya,” anodaro.

Mutambo anoramba kuti ari kupumha Ziwerekete huroyi.

“Amai ava vanonyepa, ini handina kumbovati muroyi asi kuti murume wavo ndiye akauya kumba kwangu akati ndiri kufamba ndichiti mukadzi wake muroyi. Ivo amai ava ndipo pavakabva vatanga kupopota,” anodaro.

Ziwerekete anobva amugamha achiti, “Munonyepa, amai imi munogara muchiti ndiri muroyi. Tauraika kuti ndakakuroyai papi, hamunyare!”

Mutambo anomupindura achiti Ziwerekete nemurume wake vanofanira kusiyana naye.

“Haiwa, ndisiye iwe. Murume wako anofamba achitaura kuti ndakarara naye anozviwanepi izvozvo? Siyanai neni!” anodaro achifemuruka nehasha.

Mutongi Larzin Ncube akapa Ziwerekete gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>