Vopunduka nekupfuya huku

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Vopunduka nekupfuya huku

Kwayedza

CHIRONGWA chekupfuya huku chemumusha wekwaMutimusakwa kwaShe Chivero, kuMhondoro chosimukira zvikuru pamwe nekuvandudza magariro eruzhinji rwekunharaunda iyi kuburikidza nekuvawanisa mabasa nezvimwewo uye pari zvino kuri kupfuiwa dzinodarika 15 000.

Bhindauko iri reThe Golden Chickens Project rakavambwa makore manomwe akadarika naVimbai Chakanetsa anova mugari wemunzvimbo iyi.

Mushandi anoona nezvekudyidzana neveruzhinji pasi pechirongwa ichi, Muzvare Babra Lock, anoti donzvo ravo kusimudzira budiriro yedunhu iri. “Chakanetsa munhu ane ramangwana rakajeka, akatanga basa iri ndokubatsira ruzhinji rwenzvimbo yaanobva iyi nekuvawanisa mabasa uyewo nekudya kwavanoda munguva yakakodzera. Matanga ekuvamba chirongwa ichi akavakwa nezvidhinha zvakabva muvagari venzvimbo iyi apo vaitengerwa zvaiitawo kuti vaite mari,” akadaro.

Muzvare Lock anoti vane hurongwa hwekupfuya huku dzemazai pamwe nenguruve nekufamba kwenguva.

Huku idzi, idzo dzinova dzenyama chete, dziri kuchengetwa mumatanga anodarika makumi maviri ayo achiri kuwedzerwa nekuda kwekubudirira kuri kuita bhindauko iri.

Nzvimbo iri kuitirwa basa iri inonzi yakatandavara mahekita matanhatu uye Muzvare Lock anoti shuviro yavo kuvaka matanga anokwana huku dzinodarika 69 000 panguva imwe chete.

“Tinogadzira kudya kwehuku idzi toga kuburikidza nechibage chatinotenga kuvarimi vemuno nemapfunde uyewo bhinzi,” akadaro. Kunze kwekupfuya huku, veGolden Chickens vanobatsirawo vagari vemunharaunda nekuvawanisa mvura yakachena kubva muzvibhorani zvavo zvakatenderedza nzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>