‘Wakatotenga mombe nemari yemendenenzi’

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Wakatotenga  mombe nemari  yemendenenzi’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
SAMUSHA vekuendeswa kudare neaimbova mukadzi wavo achida kuti mari yemendenenzi yavari kubvisa iwedzerwe vakachema-chema vachiti mudzimai uyu haasi kuchengeta vana nemari iyi uye imwe yacho akatoishandisa kutenga mombe yake.

Giften Nhamoyemari akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naBella Chivandire achida kuti mari yaanobhadhara ikwidzwe kubva pa$120 kusvika $300 pamwedzi.

Chivandire akaudza dare kuti anoda $300 yekuchengeta vana vavo vaviri vavakaita vose. “Ndinoda kuti andipe $300 yekuchengeta vana, kuvaendesa kuchikoro uye kudya nekupfeka. Ndinoda kuti mari yaanga achibhadhara iwedzerwe kubva pa$120,” akadaro Chivandire.

Nhamoyemari anoti mari inotaurwa naChivandire yakawandisa uye anotokundikana kubhadhara $120 yakatarwa nedare kare.

“Changamire, ini mari iri kutaurwa naamai ava yakawanda, handiikwanise sezvo mazuva ano ndisiri kushanda. Ndiri kutokundikana kubhadhara $120 yandainge ndakatemerwa nedare pakutanga,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti Chivandire haasi kuchengeta vana nemari yaanomupa uye akatotenga mombe neimwe yemari iyi.

“Chinangwa chaamai ava handichazive kuti chichiri chekuda kuchengeta vana nekuvaendesa kuchikoro here. Vakatsakatikisa imwe mari yandainge ndavapa kuti vatsvagire mwana nzvimbo yechikoro izvo zvavasina kuita, kusvika izvozvi mwana haasati ave kuenda kuchikoro.

“Zvakare, vakatenga mombe neimwe mari yandakanga ndavapa iri yekuchengeta vana saka handichazive kuti chinangwa chavo chekuti mari ikwidzwe ndechei,” anodaro Nhamoyemari.

Chivandire anopikisana nemashoko aya achiti mari yemwana yekuti aende kuchikoro akaichengeta uye mombe akatenga nemari yake.

“Changamire, zviri kutaurwa nababa ava kunyepa uye mombe ndakatenga nemari yangu isiri yavakandipa. Mari yemwana yechikoro ndakachengeta, ndinayo asi kuti haisati yakwana,” akadaro.

Mutongi Muridzo akarasa chikumbiro chaChivandire achiti hapana umboo hwakazara hwekuti sei ari kuda kuti mari iyi iwedzerwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>