ZFU yochema nekudzimwa kwemagetsi

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
ZFU yochema  nekudzimwa  kwemagetsi

Kwayedza

SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union rinoti kudzimwa-dzimwa kuri kuitwa magetsi parizvino kwakanganisa zvikuru gadziriro dzekurimwa kwefodya pamwe negorosi remuchando sezvo zvirimwa izvi zvisiri kuwana mvura yemadiridziro yakakwana.

ZFU executive director VaPaul Zakariya vanoti kudzimwa kwemagetsi kwakanyanya kubva mwedzi miviri yadarika izvo zviri kukanganisawo kurimwa kwegorosi remuchando iro rave kuda mvura yakawanda.

“Magetsi ari kudzimwa zvakadarikidza zvekuti mabasa ekurima adzokera kumashure zvikuru. Tine varimi vefodya vane nhondo dzavo dzavanoita dzekudiridzira nemvura kubva mumadhamu kana muzvibhorani zvinoshandisa magetsi. Gorosi redu rimwe ratokura rave kuda mvura yekudiridzira uye zvose izvi zvinoitwa kuburikidza nemagetsi saka basa rose raenda musango,” vakadaro. Vanoti zvakakosha kuti nhondo dzefodya dzakadyarwa dziwaniswe mvura yakakwana kuitira kuti padzinodzurwa dzave kusimwa zviitwe paine mvura yakaringana.

“Vamwe vakatodyara fodya kare vamwewo vari kudyara, vari kutoshandisa mvura yekutakura nezvikochikari nematirakita pane kuti vaite yekudhonza nemagetsi kureva kuti izvi zvichakanganisa zvikuru goho redu refodya mwaka uno,” vakadaro. “Chikumbiro chedu kukambani yeZESA Holdings kuti magetsi ambonyevenutswa kuitira kuti varimi vakwanise kudiridza mbesa dzavo,” vakadaro VaZakariya.

Vakazokurudzirawo varimi kuti vachitanga kugadzirira mwaka unotevera kuburikidza nekutenga zvakaita sembeu nefetereza nguva ichiripo.

Zvakadaro, ZESA Holdings inoti kudzimwa-dzimwa kwemagetsi kuri kukonzerwa nekuderera kwemvura yemuLake Kariba izvo zviri kuita kuti magetsi anobikwa pachiteshi cheKariba Power Station ave mashoma.

Pamusoro pezvo, mimwe michina inobika magetsi haizi kushanda zvakanaka uye mimwe yacho iri kuvandudzwa zvakare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>