Zvinoita murimi akangwara

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Philip Matombo —
VAKURU vanoti papinda badza hapanyepi uye apunyaira haashayi misodzi. Ukuwo muimbi wemuno muZimbabwe, mushakabvu Leonard Dembo akatiwo shiri yakangwara inovaka dendere rayo mvura isati yaturuka.

Murimi akangwara anotora kurima sebhizimisi, odyara mari kuti azokohwe yakawanda. Anoita zvinhu zvake nemazvo uye nenguva achishandisa mbeu dzakauchikwa nekurima zvirimwa nezvipfuyo kuti upenyu humutapirire nekumurerukira.

Murimi akangwara anotarisirwa kudzidzisa vana vake nemari yekurima nekuvakawo dzimba dzakanaka – kana dai muguta kuti dzimubatsire nemari (rentals) paanenge akwegura. Kudzidza hakuperi saka murimi akangwara anokurudzirwa kuti aendewo kumaMaster Farmer Training kuti aite zvinodiwa nezvirimwa zvake. Ndokusaka isu veSeed Co Murigadzose takakuunzirai chirongwa cheMudhumeni Mukuru kuti murimi azive zvokwadi, zvigomusunungura kubva muunhapwa hwehurombo hunounzwa nekusateedzera zvinodiwa pakurima.

Kutora kurima sebhizimisi:

Murimi akangwara anotora kurima sebhizimisi zvichireva kuti anofanira kuzvipira kuisa mari otenga zvinodiwa zvese, oshanda nesimba kwete kunonoka kumuka. Ziva zvaunoda kuita, uye kuti unozviita riinhi usingaverengere, wogadzirira kuzviita, (golden rule: Know what to do! How to do it and be ready to do it!).

Bhizimisi rikabudirira zvinokupa pundutso (profit) upenyu hwako semurimi hwoendeka, iwe woita zvishuwo zvemoyo wako nezvemhuri pamusoro pazvose, nyika yedu yogutawo.

Kuita zvinhu nemazvo nenguwa:

Kuti murimi abudirire mubhizimisi rekurima anofanira kuita zvinhu zvake zvese nemazvo uye nenguwa sezvo vakuru wakati chinono chinegwe bere rakadya richifamba. Tinorasikirwa ne50kgs pazuwa pahekita tikanonoka kudyara chibage kubva musi wa15 Mbudzi tichipinda muna Zvita, saka murimi akangwara anodyara nemvura yekutanga (first effective rainfall) kana achirima chibage, soyabeans 15 Mbudzi kusvika 15 Zvita. Murimi akwangwara anoita zvinhu zvake nenguwa.

Kutenga zvekurimisa:

Zvekurimisa zvinofanira kutengwa patinongotegesa gohwo redu, sefodya, chibage kana soyabeans zvichireva kuti nguva yatiri ino tinofanira kunge tatova nefetereza, mbeu nemishonga yesora mumba. Izvi zvinotibatsira kuti tizozive kukura kwendima dzaticharima maringe nezvikwaniso zvatinenge tiinazvo.

Kurima (land preparation)”

Zvakakosha kuti murimi arime minda yake achingopedza kukohwa munaKubvumbi kusvika munaGumiguru. Izvi zvakakoshera kuti pasi panenge pakachapfava uye zvinochengetedza magejo pakusakara (wear and tear). Pazvose, kurima munguwa iyi kunotibatsira kuti zvakasarira pakukohwa semashanga anopinda muvhu oworera, ozoita manyowa anokudza mbesa inotevera, goho nebhizimisi zvotapira.

Zvinotibatsirawo kuti tinozokurumidza kudyara nemvura yekutanga nekuti tinenge takarima kare.

Kushandisa mbeu dzakauchikwa:

Murimi akangwara anotenga mbeu dzakauchikwa sezvo dzichiita kuti bhizimisi rake ribudirire, zvakachipa zvinodhura. Goho nembeu dzemudura, chingave chibage kana soyabeans rinenge rakatoderera uye zvirwera zvinowanzowanika mumbeu dzemudura saka tinokukurudzirai kuti mutenge mbeu dzakauchikwa zvisinei nekuti dzinodhura sei.

Ndima diki goho guru:

Murimi akangwara anorima ndima inoenderana nehomwe yake. KuSeed Co tine mbeu dzinopfuura 11t pahekita seSc 529, Sc 649, Sc 633, Sc 637, Sc 719 neSc 727 dzechibage dzatozara muzvitoro zvakasiyana-siyana. Kuti ubate mukoho uyu chibage ichi chinoda zvikwanisiro zvakakwana saka semurimi tinokukurudzirai kuti mukwane mushangu yako kuti bhizimisi ribudirire. Kusoyabeans tinewo mbeu dzakaita seSc Serenade, Sc Safari neSc Status dzine mukoho unodarika 4t pahekita saka ngatidzipei zvakakwanda zvadzinoda titapirirwe nekushandisa mbeu idzi tigute nenyika yedu ibudirirewo.

Ndipo patinozoti “Kuti Seed Co ndokuti Mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co” nekuti kusarudza mbeu ndiwo mupfuhwira webhizinesi remurimi. Kana kuri kunzvimbo dzinonaya seregion 1, 2 ne3, tava nembeu dzekuti ukadyara hekita imwe inobura mukoho unosvika kana kudarika 20t pahekita semuenzaniso Sc 727 neSc 719 semukoho unoshamisa wakaonekwa naVaZikie vekuMashonaland West navaKudenga wekuMarondera.

Izvi zvakawanikwa paikwikwidzana varimi vakadarika 11 tones pahekita. Saka tinozoita nzara sei sevarimi? Murimi akangwara anorima chindima chidiki ochiita nemazvo nenguva owana goho guru.

Panguwa ino warimi tokukurudzirai kuti musadyare kana mvura isati yanyatsonaya sezvo muchirasikirwa nembeu pakusamera zvakanaka, ivai nemarain guage modyara kana kwanaya 30ml dzemvura mumazuva matatu akatevedzana (30mls in 3 consecutive days). Tovavarira kudyara madzinde anodiwa pahekita tichishandisa mishonga yesora goho rokwira.

Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co.

  •  Philip Matombo murimisi weSeed Co uye anobatika pa: 0772572497

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>