$15k kurima hekita imwe

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
$15k kurima hekita imwe VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe  Farmers Union (ZFU) rinoti mwaka wezhizha wave pedyo nekutanga uyu wakaoma zvikuru nekuda kwekudhura kuri kuita zvekushandisa muminda asi zvisinei varimi vanofanira kuyedza nepose pavanogona kuugadzirira zvizere.

VaPaul Zakariya vanove ZFU executive director vanoti zvakakosha kuti varimi vafambirane nemwaka kuitira kuti vazowane goho guru.

“Sesangano rinomirira varimi tinoti inyaya iri pachena kuti mwaka uno zvakaomera varimi vose kuburikidza nekudhura kuri kuita mbeu inosanganisira yechibage, soya bhinzi, nzungu nefeteraiza yacho. Asi, tinotiwo zvakakosha kuti varimi vabate mwaka kuitira kuti vazowane goho guru,” vanodaro.

Vanoti kana varimi vakakurumidza kudyara mbesa dzavo zvinoita kuti dzikure zviri nyore sezvo ivhu rinenge richiri kupisa uye riine kudya kunodiwa nezvirimwa zvakasiyana.

VaZakariya vanoti nekuda kwekudhura kuri kuita zvekushandisa, varimi vanenge vakundikana kutenga mbeu yakauchikwa vanogona kudyara yemudura uyewo nekushandisa manyowa pachinzvimbo chefeteraiza.

Ongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino mune zvimwe zvitoro zvinotengesa zvinhu zvinoshandiswa pakurima muguta reHarare inotaridza kuti saga re50 kgs refeteraiza yeCompound D riri kuita mari inotangira pa$400 kusvika $500 zvichisiyana nezvitoro.

Saga re50 kgs reAmmonium Nitrate (AN) riri kuitawo $500 kusvika $700.

Mbeu yechibage ye10 kgs iri kutengeswa nemari iri pakati $218 kusvika $400 zvichisiyana nemhando yacho pamwe nezvitoro zvakare.

VaZakariya vanoti zvinotaridza kuti mwaka uno murimi kuti arime hekita imwechete anofanirwa kushandisa mari inodarika $10 000 iyo inosanganisira kurimisa munda wacho uye kutenga mbeu nefeteraiza.

“Pamunda mumwechete uyu tikazoisa mari yevashandi inopotsa yasvika kuma$15 000 kana kudarika inova mari inonetsa kuwanikwa nevarimi,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti sezvo vamwe varimi vakafirwa nemombe nekuda kwezvirwere, vanogona kuchera makomba nemapadza kana kungotara mitsetse vodyara mbeu pane kurimisa izvo zvinovadhurira zvakare.

Zvakadai, Hurumende ine zvirongwa zvakasiyana  zvekubatsira varimi nezvekushandisa zvinosanganisira mbeu nefeteraiza zvakaita sePresidential Input Scheme.

VaFarai Mhariwa vanova muzvinabhizimisi kwaDzumbunu – avo vane tirakita inorimira vanhu – vanoti vari kuchaja mari inofambirana nemamiriro ezvinhu zuva iroro kuburikidza nekuti vatenga mafuta edhiziri nemarii.

“Handina mubhadharo chaiwo wandingati ndinawo nekuti zvinhu zviri kukwira nguva nenguva, murimi akauya ipapo ndipo patinotaurirana nekuti kwakaipa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaGilbert Nhamo vemunzvimbo imwechete iyi vanoita basa rekurimira varimi minda netarakita yavo vachiti, “Chatinogona kutaura ndechekuti hekita yanga ichiita $1 000 masvondo apera  asi zvakatodarika nekuti kwatinotenga dhiziri kwacho mazino.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>