$5 000 vatyora mutemo we’curfew

18 Feb, 2021 - 11:02 0 Views
$5 000 vatyora mutemo  we’curfew

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARUME vana vekuChitungwiza vakamiswa pamberi pedare reko nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) zvichitevera kusungwa kwavakaitwa munguva yemanheru vachingombeya muZengeza.

Delayed Danga (25) wepanhamba 2530 Unit A, Tatenda Marova (23) wepanhamba 59 Dengu Zengeza 1, Jairos Chigeda (40) — uyo asina pekugara panozivikanwa — naArtwell Magaya wepanhamba 15 Rukumbati Zengeza 3 vose vanobvuma mhosva dzavo apo vanomiswa pamberi pemutongi Tinashe Tashaya wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts.

Vakapihwa chirango chekubhadhara faindi ye$5 000 pamumwe nemumwe wavo uye kukundikana kwavo kubhadhara mari iyi vachapika mujeri kwemazuva 40.

Muchuchisi Lawyer Katonha anoudza dare kuti nemusi wa9 Ndira nenguva dza8:30 husiku, varume vana ava vakasungwa nemapurisa kuZengeza mushure mekunge vatyora mutemo unorambidza veruzhinji kufamba nguva dzehusiku (curfew).

Vakatongwa pasi pemutemo weLockdown (Failure to Observe Covid-19 Regulations Restrictions As Defined in Section 51 1a/21 of the Curfew Regulations Act).

Share This:

Sponsored Links