65 vapedza zvidzidzo zvekurima

06 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
65 vapedza zvidzidzo zvekurima Cde Karoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VADZIDZI 65 avo vakabudirira kupedza zvidzidzo zvavo zvekurima paChibero College of Agriculture svondo rapera vakawaniswa zvitupa nemibairo.

Chirongwa chekucherechedza vadzidzi vanobudirira mufundo yavo ichi chava nemakore 57 chichiitwa.

Vachitaura vakamiririra gurukota rinoona nezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa Dr Anxious Masuka – VaDouglas Karoro vanova mutevedzeri wavo – vanoti koreji yeChibero inozivikanwa nemukurumbira wekugona basa uye hunyanzvi hwedzidzo yezvekurima.

“Chibero College of Agriculture iri kuita mabasa makukutu ekufundisa vadzidzi vezvekurima zvinosimudzira nyika nekuwaniswa kwemabasa. Kurima ndiwo musimboti weupfumi hwenyika uye kana kukaitwa pachishandiswa hunyanzvi, kazhinji kacho tinoona budiriro.

Nomore Skandongwe

“Kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zveNational Development Strategy 1, zvinobva mukusimudzirwa kwemakoreji ekurima,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti vanofara zvikuru kuti koreji iyi yakabudirira kugadzirira vadzidzi vayo kuti vaite zvidzidzo zvavo munguva yakaomarara yechirwere cheCovid-19 uye vakabudirira.

“Chirwere cheCovid-19 chakakanganisa madzidziro ekare aiitwa nevadzidzi apo vaifunda vakaungana mumakirasi murairidzi achitaura ari pamberi. Saka rava basa guru kuti vadzidzi nevadzidzisi zvekare vange vachifambirana neruzivo rwechizvino-zvino rwekushandisa masaisai eIndaneti mudzidzo.

“Kushaikwa kwezvinokwana sezvekushandisa, kushomeka kwemasaisai, kudhura kwemabhanduru eIndaneti, kudhura kwemagetsi pamwe nekuenda kwawo ndizvo zvimwe zvakakanganisa vadzidzi mudzidzo yavo. Asi tinofara kuti zvisinei nematambudziko aya makakunda,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti vanotarisira kuti vadzidzi vakawaniswa zvitupa ava vazonoita mabasa anofambirana nekufunda kwavakaita senzira yekusimudzira chikamu chevarimi vadiki.

Mudhumeni mukuru vari zvekare mukuru anoona nezvekushambadza kukambani inouchika mbeu yeAgriSeeds, VaIvan Craig, vakatsigira vadzidzi vakapedza zvidzidzo zvavo zvekurima nemibairo yembeu kuti vachinotanga kurima mwaka uno vachifambisa chirongwa chePfumvudza.

“Tapa mudzidzi mumwe nemumwe mbeu yedu yeAgriSeeds kuti vanotanga kurima vachitevedza zvavakafunda pano nekuti vatova nyanzvi uye tiri kutarisira kuti vachawana goho rakakura. Gore rapera, takaita zvimwe chetezvo zvekutsigira vakakunda nemibairo nekuti tine shungu dzekuti nyaya dzekurima dzirambe dzichienda kumberi sekutaura kwemutungamiriri wenyika President Mnangagwa, avo vane donzvo rekuti raramo yevanhu isimukire nekurima sezviri muzvinangwa zveVision 2030,” vanodaro.

Mukuru weChibero College of Agriculture, VaPhilip Mushayi, vanoti zvirongwa zveVision 2030 zviripo mukutsigira vechidiki.

Mumwe wevadzidzi akakumba mibairo gumi pachiitiko ichi, Nomore Sikandongwe, anoti budiriro yose muupenyu inobva mukushanda nesimba.

“Ini ndakatora mukana welockdown iyo yakauya nekuda kwechirwere cheCovid-19 kuti ndinge ndichiverenga hangu mabhuku angu murunyararo zvinova zvakaita kuti ndikohwe mibairo gumi iyi. Saka ndiri kutarisira kuenderera mberi nedzidzo nekuti kufunda hakuperi uye zvagara zviri muropa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>