Murimi ramba uine tariro

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

KWECHIPO chemasvondo maviri adarika, mvura iri kunaya yakawanda kumatunhu ose enyika izvo zvave kupa varimi tarisiro yekuti vanogona kuwana goho riri nani pane zvavanga vakatarisira mwaka uno.

Mvura iyi isati yanaya, vamwe varimi vakange varasa tarisiro nekuda kwekuti zvirimwa zvakaita sechibage zvange zvooma nezuva.

Kune mamwe matunhu sekuManicaland, mvura iri kunayawo zvekusvika pakuparadza dzimba, migwagwa nezvimwe zvivakwa.

Izvi zvinosuwisa, zvikuru kana tichitarisa kuti dunhu rimwechete iri gore radarika ndiro zvakare rakasangana nedambudziko remvura yaive nedutumupengo yeCylone Idai.

Zvisinei, zvakakosha kuti varimi vasarase tariro zvichitevera kunaya kuri kuita mvura kunzvimbo dzakasiyana dzenyika mazuva ano.

Kunaya kwemvura uku kwaona zvirimwa zvichiita zvakanaka uye chinodiwa ndechekuti varimi vatore matanho ekuti zvirimwa zvavo zvisakurirwe nesora kuburikidza nekusakura kana kufirita nemishonga.

Nyanzvi dzinoona nezvekurima dzinoti kana murimi akasiya zvirimwa zvake zviine sora, zvinoderedza goho zvikuru sezvo richitora kudya kunofanira kunge kuri kwezvirimwa.

Pari zvino Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekushomeka kwehupfu, nekudaro kana mvura ikaramba ichinaya zvakanaka sezvairi kuita, varimi vanokwanisa kuwana pekutangira mushure mekukohwa zvirimwa zviri muminda izvozvi.

Varimi vanogona kutora mukana wemvura iri kunaya iyi kudyara dzimwe mbesa diki dzinochimbidza kuibva uye dzichipa mari nekukasika.

Mbesa idzi dzinosanganisira mbambaira iyo yakakosha zvikuru kana kuchitariswa kudhura kuri kuita chingwa mazuva ano.

Kunze kwekudya, murimi anokwanisa kutengesa zvakare mbambaira achizviwanira mari.

Varimi vanogonawo kurima bhinzi idzo dzisingade zvakawanda uyewo nemuriwo uyo uri kushomeka kumusika pari zvino.

Mamiriro akaita nyaya dzeupfumi munyika haadi kuti munhu apinde muchitoro kana kuenda kumusika zuva roga-roga achinotenga zvinhu nezvimwe zvaanokwanisa kuzvirimira oga.

Zvakakoshawo kuti varimi vaite zvirongwa zvekukohwa mvura iri kunaya iyi kwete kuisiya ichingoyerera ichienda.

Kana murimi akakohwa mvura, zvinomubatsira panguva iyo mvura inenge isinganaye sezvo achikwanisa kushandisa madiridziro kuzvirimwa zvake.

Kunaya kuri kuita mvura kwaonawo mafuro achiita zvakanaka pamwe nemvura yekunwa yevanhu nezvipfuyo.

Kusimukira kwechikamu chezvipfuyo munyika kwakakosha sezvo kuchibatsira mubudiriro yenyika.

Varimi vanofanirawo kutora matanho ekudzivirira zvirwere kuzvipfuyo zvavo, kunyanya izvo zvinokonzerwa nezvikwekwe.

Gore roga-roga Zimbabwe inorasikirwa nemombe dzakawanda nekuda kwezvirwere zvakadai seJanuary Disease iyo inowanzobata mombe munguva yekunaya kwemvura.

Zvakakoshawo kuti varimi vadhibhise mombe dzavo nguva nenguva uye nekudzibaya majekiseni ekudzivirira zvirwere.

Kurudziro ndeyekuti murimi asarase tariro, asi kuti aenderere mberi nemabasa ake nekuti anoita kuti mwaka unake kana kushata ndiMwari bedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>