Dziva rinoda kudzidzwa

08 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
Dziva rinoda kudzidzwa Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedezerai Nhemachena

ZVIKOMANA zvechidiki zvinofudza mombe kumaruwa zvisati zvanyatsogona kutuhwina saka zvinodzidzira kushambira kumahombekombe emadziva ari munharaunda mavo kwavanofudzira mombe dzavo ikoko. Nenguva vanopinda zvishoma-nezvishoma mukati medziva pavanenge vave kukwanisa kutuhwina zviri nani.

Zvino pakati pavo panoitawo vamwe vanenge vogona kutuhwina kudarika vamwe. Ava unoona vave kuenda kwakadzika-dzika vachiita chamunyurududu vachinakidzwa zvavo pamwe nekuratidza hunyanzvi hwavo kushamwari dzavo dzinenge dzisati dzave kunyatsogona.

Izvi zvinopa shungu dzakanyanya kune vaya vasati vave nehunyanzvi hwekushambira. Shungu idzodzo dzinovakwevera kuita chindoendawo kutevedzera vanogona.

Kana zvadai apa ndipo panotangira dambudziko. Unoona chikomana chisati chave kunyatsogona kutuhwina chichidzika wofunga kuti chave kugona kushambira uye chave kuitawo chamunyurududu, nyamba chava kutonyura chichinwa mvura.
Pakarega kuve neanoongorora zviri kuitika, chikomana chinogona kunyura zvachose chikapararira mudziva.

Nokudaro, pese panotambira vadiki mumadziva panodawo kuti pange pane vakuru vanotarisa matambiro evana mumvura.

Havasi vese vanoziva zvavanoita mudzivamo. Vamwe vavo vanodimudzira maitirwo ekushambira, kuda kusvika mberi-mberi pakati pedziva panonyudza ivo vasati vagona kushambira kumahombekombe.
Dambudziko rekushambira kwakadzikadzika rinouya pakuti pamwe hausati woziva zvakakwana kutuhwina, unoremerwa wonetera panzira, woda kuzorora. Mukuzororamo unovarairwa ukamira mumvura. Ukamira mumvura unogona kuzobatwa nemadhaka ukatadza kupunyuka.

Kana wadaro watove kunwa mvura, hauchagona kudaidzira vamwe vakakunzwa kuti vakubatsire.
Ndizvo zvimwe chetezvo kunesu vanasamusha, masabhuku, vanamuzvinakambani pamwe navananyamasimba mumatare edu. Tinoita chiteedzera mumaitiro edu ebasa tichidimudzira kudzamara tasvika kunonyudza kwatisingakwanise kupunyuka. Mibvunzo yatinosangana nayo kudare ndiyo yekuti idziva chairo here riri kutaurwa nedare iri? Zvino chokwadi pangaite dziva rinopfuura patiri tese here isu vanasamusha, masabhuku nanamuzvinakambani?

Pauri ipapo ndiro dziva rako. Dziva rinoda kudzidzwa zvishoma nezvishoma dzamara mazivana kunofanira kutambirwa pamwe nekunonyudza.

CHENJEDZO:
Zvino ukaona muvakidzani wako achifamba nezimotokari rinenge bhazi kukura, aine dzimba dzakawanda dzemudurukidzanwa, vana vachienda mhiri kwemakungwa kuzvikoro, vachidya mbudzi yese pakudya kwemangwanani, iwe wotevedzera usina kuziva kunobva pfuma yake uchiti mbudzi inodya payakasungirirwa, ziva kuti wava kutambira kunonyudza, wava kuda kuparadza zita rako neupenyu hwako. Naizvozvo dare redu rinongoramba richitiyeuchidza tose kuti tisatambire kunonyudza tingazosara tiri pamhene. Mienzaniso yakawandisa yevakatambira kunonyudza nhasi uno vari kukwangwaya.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:[email protected].

Share This:

Sponsored Links