A-LEVEL — KUDA MUHONDO: Kuti vatema vakunde

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

TINOENDERERA mberi nekupedzisa nzira dzinoshandiswa nevatema kuti vakunde vachena muhondo yeChimurenga.

Kudzidziswa kubata pfuti — magandanga aidzidziswa kuridza pfuti dzemando dzese, kuziva pfuti nemazita adzo pamwe chete nenzvimbo dzadzaishandiswa. Kugeza nekushandisa pfuti zvimwe zvavaidzidziswa. Kupata makamba vachinohwanda — panorwiwa hondo pakamba 2 magandanga akanga atuta zvinhu achinohwanda mumwena yaive kunze kwekamba. Masoja paanouya kuzovabhomba anosvika achishaya vanhu ndokutanga kurwiswa vachiri mubishi rekutsvaga kwainge kune vanhu.

Kutumira vamwe varwi kuti vanoita zvidzidzo zvemberi kune dzimwe nyika – Kuda nevamwe gumi vaida kuendeswa kuChina kunodzidziswa hondo. Izvi hazvina hazvo kubudirira asi tinozoona achienda kuTanzania uko anonoita mwedzi mina achidzidziswa zvehondo. Kusashandisa mazita ari pazvitupa — magandanga ese aive nemazita ekuhondo ayo aizoita kuti vasateverwe vachiurairwa hama dzavo kumamisha kwavaibva nemasoja. Mazita aya aiitawo kuti magandanga abatanidzwe nedonzvo rimwe chete rekusunungura Zimbabwe. Kudakwashe Zaranyika tinoona achishandura zita rake iri paanoenda kuhondo achitora rekuti Kuda Hondo. Kupamba vanhu vachitsvaga chikafu – tinoona magandanga achibva kukamba 2 achienda kuBurma Valley kunotsvaga chikafu mushure mekunge zvekudya zvavaive nazvo zvaparadzwa nemasoja.  Kubatsira povho – magandanga akaba mari kuVaRungu aitarisirwa kuti apewo imwe kupovho sezvo yaimbovabatsirawo. Izvi zvinojekesa pfungwa yekuti paisazove nehugandanga kana povho isina kuvapa tsigiro. Magandanga aisatenderwa kuita hupombwe nepovho nekuti zvaisurudza hondo yeChimurenga. Varwi vehondo vaizofanira kurapa povho dzainge dzarwara. Izvi zvaiita kuti povho ifarire magandanga.

Kufundisa povho zvematongerwo enyika — tinonzwa kuti Political Commissar aive nebasa guru rekudzidzisa povho zvakanangana nemusangano nekunaka kwemushandirapamwe (socialism).  Kuuraya magamba ainge ane pfungwa dzekuzvipira kuvavengi — tinonzwa Komuredhi Nhamo Mutema vachiudza Kuda kuti auraye vose vaizopanduka vachiita pfungwa dzekutengesa hondo kuvachena. Kushevedza povho ichiona zvitunha zvemasoja — vanaLevi pavanouraya masoja vanotuma vanamujibha kuti vanoshevedza povho kuti ione zvitunha zvevachena. Izvi zvaiita kuti povho isateerere manyepo aitaurwa muwairesi. Kuchinjanisa magamba munzvimbo dzavaigara — iyi inzira yekuti Detachment Commander aiudza vanhu kuti vashandire munzvimbo dzakasiyana-siyana misi nenguva kuitira kuti vazive  nzvimbo dzose. Izvi zvaibatsirawo kuti rimwe gamba rikafa vanhu vepovho vaingoti rakaenda kune imwe nzvimbo zvoita kuti varambe vachiziva kuti magandanga eZanu aisafa uye aisakurirwa. Izvi zvinoonekwa panosvika Kuda muBuhera, vanochinjana kudya vamwe vachisara vakachengetedza pabhesi.

Share This:

Sponsored Links