Africa: Kumhanya handi kusvika

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

CHINA manenji (mashura) hachifambisi. Chinonanaira kusvika chasvika panzvimbo.

Zvimwe chete neAfrica nesuwo tiri kukusvitsai pazuva rokupemberera zuva iri musi wa25 May.

Vane gasikasi unonzwa vave kuti Africa ine chinono, iri kusaririra mune zviri kuitwa nedzimwe nyika. Asi ndiyo Africa imwe chete yave kuburitsa shoroma, mabhirioneya akaita sechizvarwa cheNigeria, Aliko Dangote, uyo ari kunzi anoda kutenga chikwata chenhabvu chepamusoro chekuBritain – Arsenal FC.

Mashura padunhu kuti vamwe veAfrica muchiperera mugungwa reMediterranean sezvatakanyora svondo rapfuura, mwana wenyu Dangote mukati mezvizvarwa 1 bhirioni ave nemari yakawanda kupinda zvamuri zvokuti ave kutoda kutenga timu yebhora yakaita seArsenal?

Ko kungozvitarisira pasi pamusana pei muchiziva kuti kunyange nguva yeomuAfrica ichinge rekeni inotatamuka, inotosvika chete?

Tichatopasvika chete. Handiti pavaiuya kuzopamba upfumi vakange vachiziva kuti tinazvo, asi isu dzokono tozviita vanamusvuuganda?

Aliko Dangote ari kuda kutenga Arsenal nokuti mari yacho anayo, kwete shoma, asi zhinji.

Dangote ndiye mumwe wavanhu vakapfuma zvekupfuma zviya muAfrica. Mari yake irefu zvokuti inonzi inosvika kumabhirioni $25 okuAmerica.

Ndisati ndapinda mune zvimwe, Dangote ari kutsenga mazimari ose aya nemwana wake mumwe chete. Dai vari vamwe, madzimai navana vari hobho nembasera.

Asi, ndapinda mumari yaDangote nokuti imari yaakaitira muno muAfrica. Mabhizinesi ake mazhinji ari muno muAfrica: kuNigeria, nyika yechizvarwa, Benin, Cameroon, Ghana, South Africa, Togo neZambia. Achiri kungoenda nokuti hauiti mari yakawanda kudaro mumusoro muzere dzungu.

Saka rukusha rwenhamo rwatinogarozvipfekedza nderwei? Kuzvizadza mweya womunyama asi tiri mudunhu rakagukuchira. Haasi Dangote chete akapfuma kudai. Vazhinji vari kubuda munyika dzeAfrica vari kuita mari dzavo dzakachena, pasina huori.

Zvimwe zvinotanga nokuda zvokwako nokuzvitsigira, usati waisa maziso mhiri kwamakungwa. Zvinozivikanwa kuti timu yebhora yenyika yokuNigeria, maSuper Eagles anopihwa mari inonzi mari pavanotamba mitambo yakaita seWorld Cup. Zvoreva kuti Aliko Dangote haangatangi afarira Arsenal asati afarira nokutsigira zvokumusha kwake.

Irori ndiro dambudziko rakasunga vazhinji muAfrica. Vanoyemura zvitoro, magetsi, mvura kana migwagwa yenyika dzemhiri asi kuyemura ikoko kotadzisa munhu kuti anzwe moyo uchiti, izvi ndazvida izvi, kwedu ndinotozvisvitsawo chete. Mambo Ndyire vakazoti, “Gombo iri ndarida. Ndinotoririma chete!”

Africa inongoita sedunhu risina chariinacho nokuti rizere navanhu vanoda zvokwavamwe, zvizvarwa zvisina shungu dzokuti Africa ibudirirewo.

Uyu handiwo mweya wakange uina vatungamiri vakaumba sangano reOrganisation of African Unity iro rave kunzi African Union nhasi uno – musi wa25 May 1963.

Zvidza zvapo vaisanganisira: Kwame Nkrumah (Ghana), Emperor Haile Sellasie (Ethiopia), Modibo Keita (Mali), Gamal Abdul Nasser (Egypt), Sekou Touré (Guinea), Julius Nyerere (Tanzania), Ben Bella (Algeria), William Tubman (Liberia), Abubakar Tafawa Balewa (Nigeria), Nnamdi Azikiwe (Nigeria), Jomo Kenyatta (Kenya).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>