Akabirwa bhazi aenda kusango

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MURUME wekuti akabirwa bhazi kuSouth Africa mushure mekunge aenda kunozvibatsira mune kamwe kasango kaive pedyo akazoendesa muridzi webhazi iri kudare achida imwe mari yake yemubhadharo.

Daniel Mashumba akamhan’arira Lesley Gorejena kuHarare Civil Court achida mari yake.

“Changamire, nevakuru ava takanyorerana pasi kuti pabasa randaizoita rekutyaira bhazi kuenda kuSouth Africa nevana kutiripi vaizondipa $540 asi nanhasi mari yangu handisati ndapihwa yakakwana. Mapepa aya ndakatoita kumanikidzwa kuti ndibvumirane navo sezvo basa ndairida, kunyangwe aiva nezvekunyepa zvekuti Lesley Gorejena haasi muridzi wemabhazi. Asi chokwadi tese tinochiziva nekuti iye Gorejena ndiye akatonditsvaga kuti andipe basa racho,” akadaro Mashumba.

“Vari kundinyima mari yangu $80 chete nekuti vanoti handina kushanda mazuva mashanu atakatenderana mushure mekunge bhazi rabiwa. Asi haisi mhaka yanguzve iyoyo. Ini ndaitotsvagawo pekupaka bhazi nemakuriro aro aye saka ndakangotsauka kuti ndirase dope wanike yangova huruva, bhazi raenda nemakoronyera zvinova ndizvo zvavave kundinyimira mari yangu kunyangwe bhazi racho vakazoriwana.”

Akati ave kufira nyaya yebhazi rakabiwa zvisinei kuti hapana zvaaigona kuita sezvo akanongedzerwa pfuti nembavha dzakaba bhazi iri.

Gorejena akapokana naMashumba achiti mabhazi aisava ake oga uye mari yaakatopihwa yakawandisa.

“Vedare, baba ava handichanzwisisi maitiro nemafungiro avo. Chinondinetsa ndechekuti takaita chibvumirano pamapepa kuti kana pachinge paine zvinezenge zvaitika ini handaizoonekwa ndiine mhaka pachangu asi tiri tose navamwe sezvo kambani yemabhazi iyi isiri yangu ndoga asi kuti mubatanidzwa navamwe. Asi nhasi vave kuputsa chibvumirano vachindizvuvira kudare,” akadaro Gorejena.

“Munhu akangoshanda mazuva matatu isu tabvumirana vhiki rose, obirwa bhazi achiitawo zvemusoro wake. Ndiye ondizvuvirazve kudare achiti anoda kuti ndimupe mari yakasara uye yaasina kushandira? Ini ndini ndinofanira kutomusungisa nekutsemura zvatakabvumirana mumagwaro otorangwa nedare kwete ini.”

Gorejena akati foromani wemabhazi aya akazopa Mashumba $400 kunze kwe$200 yaaifanira kunge akamupa nechinangwa chekuti pave nerunyararo.

“Ainge ave kuuya kubasa zvechisimba kusvika pakubata mazamhu a ‘administrator’ vanove vakamunzwira tsisti vakaregera kumusungisa nekuda kwechitendero chavo chechiKrisitu,” akadaro Gorejena.

Mutongi munyaya iyi akati vaviri ava vadzoke kudare nemapepa avakanyorerana chibvumirano kuti nyaya iyi ienderere mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>