Akanoitira tsvina pamba pa’pastor’

21 Jan, 2021 - 12:01 0 Views
Akanoitira tsvina pamba pa’pastor’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHEMBERE yemubhuku raNyamunokora, kwaMambo Mutasa, kwaMutare inonzi yakamiswa mudare rasabhuku weko ndokubatwa nemhosva yekunoitira mukonde wetsvina pachivanze chemumwe mufundisi zuva rakacheka nyika.

VaJosphat Mutasa (45), vanova munyori mudare raMambo Mutasa, vanotsinhira nyaya iyi.

“Ichokwadi nyaya iyi yakaitika mubhuku raChamunokora, kwaDC Mutasa, munova mumusha mumwe chete mune nyaya yemutumbi wemwanakomana akazofukunurwa atanga kumuka chipoko chichiti akafa nekupondwa nababa vake.

“Chembere yakaita izvi yakatomiswa mudare raSabhuku Nyamunokora ikaripiswa zvinova zvatiri kupokana nazvo sezvo nyaya huru dzakadaro dzichifanirwa kuunzwa kudare raMambo Mutasa,” vanodaro VaJosphat Mutasa. 

Nyaya iyi inonzi yakaitika musi wa30 Zvita, apo Mbuya Faith Rakabopa (68) vakaenda masikati machena vakanoitira tsvina pachivanze chaMufundisi Fanuel Zvemari (48) vechechi yePassion for the Harvest Ministries.

“Nyaya iyi yakapinda mudare raSabhuku Nyamunokora VaTongoona Mutamangira, chembere iyi ikabvuma mhosva yayo yekunoitira tsvina pachivanze chapastor ava, ichinzi yakati zvaiva zvaikunda apo yaidarika nepamba apa uye yakazobvisa tsvina iyi. Dare iri rakaripisa Gogo Rakabopa mbudzi mbiri nekuda kwemhosva iyi uyewo vakakumbira ruregerero kumhuri yamufundisi pamusoro pezvavakaita,” vanodaro VaJosphat Mutasa. 

Vanoti nyaya iyi vari kutarisira kuti ichapinda zvakare mudare raMambo Mutasa munguva iri kutevera.

“Takamirira zvichaturwa naMambo Mutasa nekuda kwenyaya iyi apo tiri kuronga kunyorera Sabhuku Nyamunokora masamanisi ekuti vauye kudare pamwe chete naambuya ava naMufundisi Zvemari nemhuri yavo kuti dare guru rizopawo mutongo waro,” vanodaro. 

Pastor Fanuel Zvemari vakataurwa navo panhare neKwayedza ndokuti, “Ambuya ava tinogara navo mumusha mumwe chete, dzimba dzedu dzakavambirana nedzemuroora wavo. Nemusi uyu, pamba paingova navadzimai vangu nemwana uyo aiva mumba achiverenga mabhuku,” vanodaro Pastor Zvemari. 

Vanoti Mbuya Rakabopa vanonzi vakasvika masikati ndokuenda kuseri kwemba uko vakasvikoita tsvina apo mumwe wevana wavo aiona nepahwindo. 

“Vakapedza kuita tsvina ndokuenda vachifunga kuti pakanga pasina munhu avaona. Mwana wangu akazotaurira vadzimai vangu, Betty Zvemari (44), ndokuzotevera ambuya ava kumba kwemuroora wavo kunovabvunza kuti sei vakanga vaitira tsvina pamba pedu,” vanodaro Pastor Zvemari. 

Vanoti ambuya ava vakazotorwa kumba kwemuroora wavo mushure mekumbokakavadzana apo vakazonobvisa tsvina yavo vakanoirasa muchimbuzi chemuroora wavo. 

“Ambuya ava vasati vauya kuzoitira tsvina pamba pedu, takambenge tawirirana kukanya zvidhinha nemuroora wavo pachuru chepamba pedu. Vakazouya vachida kurongonora zvidhinha voga ini navadzimai vangu tikavarambidza, zvatinofungira kuti ndipo pakabva daka,” vanodaro Pastor Zvemari. 

Mai Betty Zvemari vanoti vakanotora ambuya ava kuti vabvise tsvina yavo apo vakambotanga vachiramba. 

“Chinonetsa ndechekuti kudare rasabhuku, Gogo Rakabopa vakati vakaita tsvina iyi nekuti zvakanga zvavaomera, asi padyo nepamba pedu pane chisango nechimbuzi. Pamusoro pezvo, kubva pavakaitira tsvina apa nepavanodarika napo panongova nechinhambwe chemamita 20 kusvika muchimbuzi. Tinofunga kuti vaiita zvemishonga, vakatadza nei kupinda muchimbuzi? Manje isu havatigone, tinovimba naJesu mwanakomana waMwari,” vanodaro Mai Zvemari. 

Vanoenderera mberi: “Mushure mekunge mbuya ava vabvisa tsvina yavo negwati, ndipo pandakazoenda kwasabhuku kunomhan’ara nyaya yacho ikazotongwa apo vakapotsa varohwa nevanhu. Nyaya iyi yaida kuendeswa kwamambo uko vaizogona kunoripiswa mombe tikaona kuti zvaisaita zvakanaka nekuti tinogarisana.”  

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Luxson Chananda vanoti pasi pemutemo hapana mhosva yakaparwa nechembere inonzi yakaitira tsvina pachivanze chamufundisi iyi.

Mambo Mutasa, VaLovemore Tendai Mutasa, vanoti, “Sabhuku Nyamunokora vakatonga nyaya iyi asi ndakavatumira matsamba kuti nyaya iyi iuye kudare rangu tiipedzise, ine zvakawanda zvakasarira.”  

Share This:

Sponsored Links