‘Handibvise rendi paimba yababa vangu’

31 Mar, 2024 - 14:03 0 Views
‘Handibvise rendi paimba yababa vangu’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare akazvuzvurudzira mwanakomana wake nemuroora kudare reHarare Civil Court achiti anogara achimutuka achiti hazviite kuti vabvise mari yerendi yekubhadhara pamba pababa vake pavanogara.

Chipo Munetsi akaudza dare iri kuti anoda kuti George Munetsi nemudzimai wake, Portia Kapunwe, vabve pamba apa aise mamwe maroja.

“Mwanakomana uyu haasi kuchengeta imba yangu zvakanaka, apera kuparadza magonhi, zvigaro zvemuchimbuzi uye madziro ari kutsemukira. Haadi kugadzirisa zvese izvi saka dai abuda hake ndiise vamwe vanhu ndigadzirise imba yangu,” anodaro Chipo.

“Mumwe musi ndakamuchaira nhare ndiri kumusha ndichida mari yerendi ndokundituka kuti ndisamubvunze mari yerendi achiti aisava roja nekuti imba ndeyababa vake. Mashoko aakataura akandibata zvekutoti ndine chigumbu naye, dai abva hake pamba pangu,” anodaro.

Achipawo divi rake, George anoti zvose zvataurwa naamai vake ndezvekunyepa uye inzira yekuda kuwedzera mari yerendi.

“Ndinovapa madhora makumi mashanu ekunze, ngavataure kana isisakwane mari yacho kwete kundinyepera,” anodaro George.

Kapunwe anotiwo haachagari pamba ipapo uye murume ndiye akasara sezvo iye ave kuzvigarira pake ega.

“Handisisinei nechekuita pamba apa, ndakabva asi murume wangu ndiye akasara achigarapo,” anodaro Kapunwe.

Mutongi Johanna Mukwesha vakarasa chikumbiro chaChipo vachiti anofanirwa kuenda kudare rinoona nezvekubviswa kwevanhu pamba agopihwa gwaro reEviction Order.

Share This:

Sponsored Links